Vanoremara dzinza rose . . . Covid-19 yowedzera nhamo

31 Jul, 2020 - 12:07 0 Views
Vanoremara  dzinza rose . . . Covid-19 yowedzera nhamo Mhuri yekwaChigwada kuChiweshe

Kwayedza

 Kingstone Mapupu

MHURI ine vanhu vakaremara mitezo igere mubhuku raChigwada, kwaMambo Negomo, kuChiweshe inoti yaomerwa zvikuru neupenyu sezvo vasisakwanise kuwana rubatsiro rwavaisiwana kare rwunosanganisira kunorapwa kuchipatara zvichitevera chirongwa chekuti vanhu vagare kudzimba nechinangwa chekurwisa chirwere cheCovid-19.

Mambo Negomo

Mhuri iyi ine vanhu vanodarika makumi mashanu vakaremara mitezo yakasiyana kusanganisira makumbo, vamwe misana, vamwewo mapofu nevamwe vanorwara nepfungwa.

Vose vanhu ava vanoda rubatsiro nguva nenguva.

VaBvunzanayi Chigwada (40) – avo vanove mumwe wevakaremara – vanoti utano hwavo hunoda kuti vagare vachienda kunoongororwa nemachiremba nguva nenguva izvo vave kutadza kuita nekuda kwekusafamba kwemabhazi nedzimotokari.

“Dzinza rose takaremara kubvira kumadzisekuru edu kusvika kunanababa, hanzvadzi, vanatete nevazukuru. Hatikwanise kufamba, saka tine machiremba aigara achinotivheneka nguva nenguva kuchipatara cheHoward Mission Hospital izvo tisisakwanise kuita mazuva ano nekuti mabhazi haasi kufamba,” vanodaro VaBvunzanayi Chigwada.

Sabhuku Chigwada

Vanoenderera mberi vachiti, “Panguva yaifamba makombi, kune vamwe vaitinzwira tsitsi avo vaititakura pachena. Zvino izvozvi kuno hakuna motokari dziri kufamba kana maZUPCO acho hakuna zvekuti tave kuworera mudzimba sezvo vamwe tichiny’enga maronda.”

Vazhinji vevanhu vedzinza iri havakwanise kupfeka shangu nekuda kwekuremara izvo zvinoita kuti nguva ino yechando vatsemuke man’a akanyanyisa mumakumbo.

“Tine mafuta atinozora mumakumbo nemaronda mamwe anodziuka mumiviri yedu ayo tinowaniswa kuchipatara cheHoward nekupihwawo mimwe mishonga. Saka nemamiriro akaita zvinhu, hatisi kukwanisa kufamba kunosvika kuchipatara uku,” vanodaro.

VaMairos Chigwada (70) – avo vanova Sabhuku Chigwada uye vakaremarawo – vanotsinhira vachiti, “Dzinza rangu rose zvirema uye zvakatanga kare makore ekuma1900.”

Mambo Negomo VaLucious Chitsinde vanoti vanhu vedzinza iri vaigara vachinobatsirwa kuHoward Mission Hospital nekuda kwedambudziko ravo rekuremara mitezo.

“Vanhu ava vanogara vachinobatsirwa nemachiremba kuHoward izvo zvave kunetsa mazuva ano nekuti vanhu vaivatakura nedzimotokari havasi kubvumidzwa kufamba uyewo maZUPCO kuno hakuna. Machiremba epachipatara ichi vaimbovabvakachira kare asi zvino vakambomira zvekufamba mumisha nekuda kwemitemo yeCovid-19,” vanodaro Mambo Negomo.

Vechikuru mumhuri iyi vanoti dambudziko rekuremara mudzinza ravo rinokonzerwa nemhaka inonzi yakaparwa nemumwe tateguru wavo uyu anonzi akaba mhuka yemhembwe yaakawana yakabatwa pamusungo wemumwewo munhu kuBindura pasichigare ndokunoidya.

Panguva iyoyo, muridzi wemusungo wainge wabata mhuka anonzi akafamba mukomboni papurazi achitaura kuti munhu amubira achazviona sezvo ainge ashandisa mishonga yerukwa asi tateguru wekwaChigwada anonzi haana kubuda pachena kuti ndiye ainge aba ndokudya mhembwe iyi.

VekwaChigwada vanoti vaedza kutsvaga hama dzemunhu akabirwa mhuka yake pamusungo uyu kuti varipe asi havasi kudziwana.

Kumwe kuremara kwevanhu vemumhuri iyi kunonzi hunogona kuzotanga munhu akura asi vamwe vanonzi vanoberekwa vaine mitezo yakatokanganisika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>