Uncategorized

Vanoremara Dzinza rose…‘Tateguru akaba mhembwe’

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Vanoremara Dzinza rose…‘Tateguru akaba mhembwe’ Mwanasikana anofamba nemabvi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
DZINZA remhuri inogara kuChiweshe rinonzi rine vanhu vanosvika 50 avo vakaremara mitezo rinova dambudziko rakatanga apo tateguru wavo anonzi akaba mhuka yemhembwe iyo yainge yakabatwa pamusungo wemumwewo munhu mupurazi riri kuBindura.

VaBvunzanayi Chigwada (39) — mumwe wevakaremara mudzinza rigere mubhuku raChigwada, kwaMukodzongi, kwaMambo Negomo — vanoti dambudziko iri rakatanga kumakore ekuma1900.

Vanoti sekuru wavo, VaJimmy Maringe, avo vakazofa varemarawo, vanonzi vakanoba mhembwe yaiva pamusungo wemumwe munhu vachibva vaidya voga sezvo vainge vachiri jaya, pashure ndokuzodzoka kumusha makore ekuma1925 varoora.

“Ivo sekuru ava, sezvo vaifudza mbudzi nemombe papurazi rekuBindura, vanonzi vakatora mhembwe pamusungo wemuridzi. Muridzi wayo anonzi akazofamba mukomboni achirova bembera apo tateguru wedu asina kudura kuti ndiye ainge adya nyama yemhuka iyi,” vanodaro VaChigwada.

Vanhu vemudzinza iri vanoremara makumbo nemusana zvekuti vamwe havakwanise kufamba, kupfeka shangu kunze kwemasiripasi.

Dambudziko iri rinonzi rinovatadzisa kuita mabasa emaoko pamusha anosanganisira kushanda mumunda nekuenda kutsime.

“Dambudziko rekuremara iri rinonzi rakatangiswa natateguru wedu Sekuru Jimmy Maringe. Pavakazobva kubasa kupurazi uku varoora, vakazogumawo varemara gumbo zvichibva zvazongopararira mumhuri yavo yose kudai.

“Munhu wavakabira mhembwe uyu hatimuzive, kana kuti tinonoripa kupi hatina. Inyaya yakataurwa nevanhu vavaishanda navo, muridzi wemusungo akabvuma nyaya yacho. Mudzinza redu, mwana akatosvika Giredhi 5 anenge atodzidza zvakanyanya kuburikidza nekutadza kufamba. Kunze kwangu ini ndakaita mashura kusvika Fomu 4,” vanodaro VaBvunzanayi Chigwada.

Vanoti madzibaba avo ndiSabhuku Mirosi Chigwada, Joseph Chigwada, Edward Chigwada, Morosi Gahani Chigwada naEdmore Chigwada.

“Pamadzibaba edu iwaya, vakaremara vatatu uye mudzimba dzavo mune vana nevazukuru vakaremarawo. Dambudziko ravepo nderekuti vanatete nehanzvadzi dzakaroorwa vave kuberekawo vana vakaremara zvakare.

“Izvi zvava kutadzisa vanatete ava nehanzvadzi dzedu kugara kuvarume sezvo vachirambwa. Vanhu vave kutotiti kuzvirema uko hakuroorwe,” vanodaro.

VaWilliam Masagara (60) —avo vanova muzukuru kumhuri yekwaChigwada uye vakaremarawo makumbo nemusana — vanotsinhira nyaya iyi vachiti dambudziko iri rinonzi riri kukonzerwa natateguru wavo wekuba mhuka pamusungo.

“Ndakakurira mumusha muno ndichichengetwa nanasekuru naamai vangu uchingova musha wezvirema. Tateguru ava vanonzi vaifudza mbudzi nemombe papurazi reChin’ono riri kuBindura uko vakazoba mhembwe pamusungo. Muridzi wemhuka iyi anonzi akanga akaisa rukwa pamusungo wake uye anonzi akashevedzera achiyambira asi sekuru vakarega kubuda pachena zvikazoita kuti dzinza rose nesu vazukuru tipere kuita zvirema,” vanodaro VaWilliam Masagara.

Vanoenderera mberi: “Mukati medu imomu, vamwe vave kurwara nepfungwa, vamwe vachipofomara maziso. Izvi zvava nemakore zvatanga.

“Iko zvino zvirema zviri mumhuri yedu muno mumusha tinosvika 50, tisingaverenge vamwe vazukuru vari kuvakuwasha. Vamwe vakashaika vari zvirema vanosanganisira ivo Sekuru Jimmy Maringe, Rudia

Chigwada, Nellina Chigwada, Quarter Masakara, Mafios Masakara, Nellina Chigwada (jnr) naSencillai Tamanikwa.”

Vamwe vevakaremara mudzinza iri asi vachigona kufamba ndiEdward Chigwada (65), Sabhuku Chigwada, Phillip Chigwada, Advance Tamanikwa, Farai Tamanikwa, Shelter Tamanikwa, Tadiwa Chigwada, Mellisa Chigwada naIgnatious Masagara.

Vanorarama nehurema hwekutadza kufamba vanosanganisira Happymore Masagara, Pearson Muteyaunga, Onisimo Muteyaunga, Magarate Muneka naNunurai uyozve ane hupofu.

Sabhuku Chigwada vanokumbira rubatsiro rwemawiricheya ekuti vana vavo vakwanise kuenda kuchikoro.

“Tinokumbira kubatsirwa kuti vana vedu vaende kuchikoro nekuti pasina izvozvo havakwanise kunosvikako,” vanodaro Sabhuku Chigwada.

Imwe nyanzvi yezveutano pachiparata cheHoward Mission Hospital, kuChiweshe ikoko – iyo isingade kuburitswa zita rayo nekuda kwemutemo webasa – inoti vakamboedza kuongorora chirwere chiri kukonzera hurema kuvanhu vedzinza rekwaChigwada, asi hapana chakabuda.

“Zvinoita sekunge vedzinza iri vane yatinoti congenital abnormalities kana deformities, asi handiyo,” inodaro nyanzvi iyi. Mambo Negomo VaLucious Chitsinde vanoti mhuri yekwaChigwada inoda kubatsirwa nezvinosanganisira chikafu nembatya.

“Uyu musha wezvirema, havagone kuzvibatsira. Saka tinoti dai mhuri iyi yabatsirwa,” vanodaro.

Votaurawo nezvemhuri iyi, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti vanhu ava vanofanirwa kunoripa kune vedzinza remunhu akabirwa mhembwe yake natateguru wavo.

“Kana vakasaripa zvinoramba zvakadaro.

‘‘Kana vasingazive kune dzinza remunhu uyu ngavaende kune vane mweya inoona voudzwa mafambiro,” vanodaro Sekuru Katerere.

Madzibaba Gamba VaMartin Madzura vemuHarare vanotiwo hakuna chimwe chinodiwa kunze kwekuripa kumhuri yemuridzi wemhuka yakabiwa.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>