Uncategorized

Vanotengesa mari hokoyo: Muswere

27 Jan, 2021 - 15:01 0 Views
Vanotengesa mari hokoyo: Muswere Vamwe vevanhu vari kutengesa zvinhu vachityora mitemo yekurwisa Covid-19 muguta reHarare.

Kwayedza

Abel Ndooka
HURUMENDE inoti iri kusimbaradza chirongwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuburikidza nekuona kuti vose vari kutengesa mari pamusika mutema mumaguta nemadhorobha pamwe nevanotengesa zvimwe zvinhu varangwa zvakaomarara nemutemo.

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kutyora mutemo wekurwisa Covid-19 (lockdown) avo vamwe vacho vari kuonekwa vachimira-mira mumigwagwa inosanganisira yemuguta reHarare vachitengesa mari zvisiri pamutemo.

Kune vamwe zvakare vari kutengesa zvinhu zvinosanganisira miriwo, matomatisi nenhumbi mumigwagwa.
Muhurukuro neKwayedza, vakafanobata chigaro chegurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro – Cde Jenfan Muswere – vanoti kune vanhu vari kupinda mumaguta nemadhorobha nenzira dzechitsotsi, kusanganisira vanotengesa mari pamusika mutema nevanotengesa zvimwe zvakasiyana avo vari kutyora mutemo wekurwisa kupararira kweCovid-19.

Pasi pemutemo welockdown, veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba uye vanoita mabasa akakosha chete ndivo vari kutenderwa kushanda avo vanofanirwa kunge vaine magwaro ekufambisa akakodzera.

“SeHurumende, tiri kuti vanhu vose kana usina kuiswa mubandiko rekuti uri ‘essential service’ (vanhu vanoita mabasa akakosha), chimbogara kumba nekuti nguva ino yatiri haina kumira zvakanaka. Tiri pakati pekurwisa denda reCovid-19 kuti risarambe richipararira.

Dr Muswere

“Denda iri riri kuuraya vanhu vakawanda saka seHurumende tiri kuedza nepatinogona kurwisa kupararira kwaro. Zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere mitemo yose iripo,” vanodaro Cde Muswere.

Vanoti kutengesa mari pamusika wemukoto imhosva huru.

“Chekutanga, kutenga nekutengesa mari pamusika mutema uye kutengesa zvinhu zvakasiyana mumigwagwa yagara iri mhosva huru munyika muno, hazvitenderwe. Saka vari kuzviita vari kuzvidza mitemo yenyika ino nekudaro vanochengetedza mitemo vari kutora matanho akasimba uye vachabatwa vachizviita vachapihwa mutongo wavo wakaringana,” vanodaro Cde Muswere.

Kusvika nemusi weChipiri chino, vanhu 32 204 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 23 413 vakatopona asi vamwe 1 103 vakafa.

Share This:

Sponsored Links