Vapatiswa musha nezvinhu zvinovakinditsa

23 Aug, 2023 - 09:08 0 Views
Vapatiswa musha nezvinhu zvinovakinditsa Mai Tafadzwa Mutyambizi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki anogara kumapurazi ekuChegutu anoti apedza makore maviri neanoraudzira achirohwa nezvinhu zvaasingaone.

Kunze kwaizvozvo ane mwana akangofa mushure mekunge ahetsura.

Mai Tafadzwa Mutyambizi (31), avo kumusha vanobva kuMt Darwin uye vakaroorwa kwaMutoko, vanoti dambudziko rekurohwa nezvinhu zvavasingaone rakatanga mugore ra2021.

“Ndakatanga kurohwa mumusoro nezvinhu zvandaisaona mugore ra2021 ndokugumisira ndava kurohwa muviri wose. Kazhinji, ndinotanga kuona shiri dzichibhururuka nepamusoro pangu nekuona vanhu varefu nezvimwe zvivanhu zvipfupi, ipapo ndinobva ndatanga kurohwa,” vanodaro Mai Mutyambizi.

Vanoti vanonzwa vachirohwa nezvinhu zvakaita sesimbi, mbama, zvibhakera nezvimwe apo vanogumisira vazvimba.

“Pandinoona shiri idzi nevanhu ava, ndinobva ndaziva kuti nhamo yangu yatanga yekurohwa. Pazvinonyangarika mumaziso mangu, ndinobva ndatanga kurohwa nezvinhu zvandisingaone izvo zvinozondirega ndaneta. Dzimwe nguva zvinondirova kwenguva inodarika maminetsi gumi kana makumi maviri,” vanodaro.

“Mwana wangu wepakati akangofa mushure mekungohetsura izvo zvatiine fungidziro yekuti zvine chekuita nekurohwa kwandinoitwa. Ndasara nevana vaviri kubva pavatatu vandaiva navo.

“Tapedza kutengesa midziyo uyewo mari hatisisina nekudaro ndachema kuruzhinji rwenyika kuti ndibatsirwe kunyange kumaporofita kana kun’anga handisarudze.”

Mai Mutyambizi vanoti vakatiza kuChegutu nekuda kwekurohwa nezvinhu izvi vachinopotera kumba kwemukuwasha kuMbare, muguta reHarare.

Vanotiwo vanoona munhu anomhanya nepamberi pavo achitaura kuti vari kuda kumufumura.

“Munhu anomhanya nepamberi pangu anomboita mudzimai kana murume anotaura munzeve dzangu kuti wava kuda kundifumura. Dzimwewo nguva ndinoona zvimhuka zvitema zvinotenderera nepandiri uyewo vanhu varefu nevapfupi vanosanganisira madzimai nevarume vanouyawo vakapfeka mbatya nhema dzoga nenguwani avo ndinozongavashaya.”

Mai Mutyambizi vanoti kwavari kufamba kuchivanhu nekumaporofita vari kutaurirwa kuti vari kurohwa nezvidhoma.

“Nhasi chaiye (Chishanu chadarika) mangwanani ndarohwa mapendekete zvakaomarara ndichinzwa kuti isimbi kunyangwe ndanga ndisingaone akaibata simbi yacho. Ndagumisira ndapunzikira pasi.

“Kwandinofamba zvinonzi zvinobva kumusha kwangu vamwewo vachiti kumusha kwandakaroorwa kana kuti zvinobva kuvavakidzani,” vanodaro.

Mai Mutyambizi vanoti vanorarama nekurima nekutengesa izvo zvisingachakwanisika nekuda kwekugara vachirohwa nezvinhu izvi.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanogona kumubata panhare dzinoti 0715 930 605.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey