Vapi veropa vari kuwanda: NBSZ

22 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Vapi veropa vari  kuwanda: NBSZ VaEphraim Mubayi

Kwayedza

Boitumelo Makhurane

NATIONAL Blood Service Zimbabwe (NBSZ) inoti huwandu hweropa riri kupihwa nevakazvipira huri kukwira kubvira pakavhurwa zvikoro munaKurume kana zvichienzaniswa nenguva yadarika apo nyika yange ichiri pasi pechirongwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 che”lockdown”.

Izvi zvinotevera kudzikira kwange kwaita huwandu hwevanhu vanopa ropa panguva yelockdown apo veruzhinji vaisatenderwa kufamba zvisina tsarukano.

 Zvikoro – kusanganisira zvedzidzo yepamusoro, izvo zvine vadzidzi vanopa ropa rakawanda nechikamu che70 percent – zvainge zvakavharwa panguva iyi.

Mukushi wemashoko kuNBSZ, VaEphraim Mubayi, vanoti: “Kubvira pakavhurwa zvikoro, pane kuwedzera kwehuwandu hweropa riri kupihwa munyika yose. Izvi zviri kunyanya kukonzerwa nerutsigirwo rwatiri kuwana kubva kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari pamwe neredzidzo yepamusoro avo vakatipa magwaro anotitendera kuti tikwanise kuenda muzvikoro.”

Chirwere cheCovid-19 chisati chanyuka muZimbabwe, NBSZ yaigara iine ropa (blood banks) raigona kupedza mazuva manonwe kunyangwe zvazvo dzimwe nguva paigona kuve nekudiwa zvakanyanya kwemhando yeGroup O iro rinokwanisa kupihwa kune vanhu vane mhando dzose dzeropa.

Kunze kwevapi veropa vemuzvikoro, vamwe vanopa ropa vanokurudzirwa kuita izvi kumakiriniki eNBSZ akatekeshera nenyika kana kune vanofamba munharaunda nemotokari (mobile clinics).

“Tinoramba tichikurudzira vanhu kuti vape ropa kumakiriniki edu ari kunharaunda dzakasiyana nekune vanofamba nemotokari. Pane zvirongwa zvekukurudzira vechidiki kuti vape ropa izvo zvichaitwa munaKubvumbi,” vanodaro VaMubayi.

NBSZ ine vapi veropa vakatendeka vechidiki pasi peboka rePledge 25.

Chirongwa ichi chakatangwa neNBSZ uye nyika dzinodarika 80 pasi rose pari zvino dzatevera matsimba esangano iri nekuvambawo mapoka ePledge 25.

Pasi peboka iri, vechidiki vanozvipira kupa ropa rinosvika 25 pints mushure mekunge vapedza dzidzo yesekondari kusvikira vave nemakore 30 ekuberekwa.

MunaKukadzi wegore rino, NBSZ yakaisa chikumbiro kuvapi veropa chekuti vape ropa iri zvichitevera kudzikira kwakanyanya kwarakange raita kumablood banks nekuda kwelockdown.

Share This:

Sponsored Links