Vapondera munhu tochi

05 Jun, 2022 - 10:06 0 Views
Vapondera munhu tochi Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME aive nemakore 42 okuberekwa wekuShurugwi anonzi akapondwa achiita zvekurohwa nematanda nevamwe varume vaviri vachimupomera mhosva yekuti aive aba tochi yavo.

Nyaya iyi inonzi yakaitika husiku hwemusi wa19 Chivabvu mubhuku raMutemeri kwaMambo Nhema.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Wellington Mada naGodknows Mada vemubhuku raMutemeri vari kupomerwa kuponda Douglas Mafuta uyo aigara munzvimbo imwe chete navo.

“Vaviri ava, Wellington naGodknows Mada vemumusha waSabhuku Mutemeri vanonzi vakaenda pamusha waDouglas Mafuta ndokutanga kubvunza mufi uyu nenyaya yetochi iyo vaiti aive aba. Vaviri ava vanonzi vakatora matanda ndokutanga kurova Mafuta muviri wese zvikaita kuti akuvare zvikuru.

“Akazotakurwa nemusi wa25 Chivabvu kuendeswa kuchipatara cheShurugwi uko akasvikodarikidzwa kuchipatara cheGweru kwaakazofa nemusi wa30 Chivabvu,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoenderera mberi vachiti, “Tinokumbira kune vanoziva kune varume vaviri vanoti Wellington Mada naGodknows Mada vabatsire mapurisa kuti tikwanise kuvasunga nemhosva yavari kupomerwa yekuponda.”

Mapurisa akazivisa zvakare nekupondwa kwemurume aive nemakore 34 okuberekwa wekuMkoba 15 kuGweru uyo akabaiwa pachipfuva nechombo chakapinza.

“Tine nyaya yemurume aive nemakore 34 okuberekwa aibva kuMkoba kuGweru akafa abaiwa nechombo chakatesva pachipfuva nemusi wa28 Chivabvu husiku nemunhu waasingazive panzvimbo yemabhizimisi yeMkoba 18 apo ainwa doro. Nyasha Mutede (27) akawana Liberty Machaya akarara akafenda panzvimbo iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ndokutanga kuferefetwa apo zvakaonekwa kuti Machaya aive neronda rakadzika rekubaiwa pachipfuva.

“Murume uyu akazoendeswa kuchipatara cheGweru uko akasvika achifa. Vanhu vakamuponda vari kutsvagwa, tinokumbira kuruzhinji kuti vatibatsire tikwanise kubata nhubu idzi,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey