Varairidzi veReal Betis vouya muZim

19 May, 2023 - 16:05 0 Views
Varairidzi veReal Betis vouya muZim Mutungamiri weReal Betis Academy Zimbabwe Gerald Sibanda (kurudyi) aina Naison Muchekela anove murairidzi weReal Betis

Kwayedza

Abel Ndooka

VARAIRIDZI venhabvu vechikwata cheReal Betis Balompie yekuSpain vari kuuya munyika muno nemusi weChishanu svondo rino kuzodzidzisa nhabvu vachiongorora zvikwata zvakasiyana pamwe chete nekupa magwaro kuvarairidzi vemutambo uyu.

Real Betis Balompie, iyo inokwikwidza muLa Liga Santander, ine academy yayo muZimbabwe inonzi Real Betis Academy Zimbabwe ine zvikwata zviviri – muHarare nekuBulawayo.

Chikwata chevarairidzi ava chiri kuuya munyika chinenge chine nhengo dzinoti Juan Parra anove technical director weReal Betis, Ignacio Pinilla (head of global sports projects), Javier Lopez (international academy technical coordinator) naEnrique Suay achange akamirira La Liga.

Pazuva rekutanga nemusi weMugovera, zvikwata zvinoti Real Betis Zimbabwe, Legends Academy, BN Academy, Royal Oak Football Club, Golden Eagles, Black Mambas FC neReal Stars zvichatatsurana mumitambo ichaongororwa nevarairidzi veReal Betis Balompie (Spain).

Zvikwata izvi zvichatamba mumitambo yemazera anoti Under9, U11, U14, U18 neU20. Mutungamiri weReal Betis Academy Zimbabwe – Gerald Sibanda – anoti kuuya kuri kuita chikwata chekuSpain ichi kuchabatsira zvikuru kusimukira kwenhabvu yemuno kuvatambi pamwe chete nevarairidzi.

Anoti pazuva rekutanga, varairidzi ava vachaona mitambo yese ichatambwa vachitarisa vatambi nekuda kuongorora kuti nhabvu yemuno iri kushanduka here.

Kuchiti pazuva rechipiri, nemusi weSvondo, chikwata ichi chichashanda nevarairidzi venhabvu chete vachiita zvidzidzo nekuona kuti zvavakambovadzidzisa vakazvibata here uye kana vapedza vopihwa magwaro.

“Nhengo dzeReal Betis pamwe neLa Liga tichange tiinavo svondo rino kutanga nemusi weChishanu apo vanosvika. Musi weMugovera, vachange vari kuMorris Depot vachiona nhabvu yevatambi vechidiki iyo yatakaronga ipapo.

“Vachatarisa vatambi vachivadzidzisa zvavanofanirwa kuita kuti vagoendera mberi nenhabvu.

“Pazuva rechipiri, unove musi weSvondo, vachashanda nevarairidzi vedu veReal Betis Academy kusanganisira Johanes Ngodzo naGift Lunga varairidzi vechikwata chedu chekuBulawayo.

“Varairidzi vedu pane zvidzidzo zvavakaitiswa saka nemusi weSvondo vachaongororwa kuti zvavakadzidziswa vachiri kuzviziva here uye zviri kushanda here mubasa ravo.

“Kana vapedza kuongororwa, vachapihwa magwaro ekupedza zvidzidzo,” anodaro Sibanda.

Real Betis Balompie (Spain), iyo inorairidzwa naManuel Pellegrini, chimwe chezvikwata zvekuEurope zviri kushanda kusimudzira nhabvu muAfrica uye nguva pfupi yadarika yakavamba imwe academy yayo kunyika yeSouth Africa.

Share This:

Sponsored Links