Vari kudzoka kuZim vowanda

20 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Vari kudzoka kuZim vowanda Vice President Kembo Mohadi

Kwayedza

Patrick Chitumba
ZVIURU nezviuru zvevanhu vemuZimbabwe avo vange vapererwa nekushaya pokutangira vari kuChina, United States nekune dzimwe nyika dzinosanganisira South Africa nekuda kwemutemo wekuti veruzhinji vasafamba-famba pasi rose senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 (lockdown), vakanyoresa kuHurumende kuti vadzoswe munyika muno nechimbi-chimbi.

Vachitaura kuMidlands Covid-19 Provincial Taskforce nemusi weChina, Vice President Kembo Mohadi — avo vanova sachigaro weInter-Ministerial Taskforce on Covid-19 — vanoti Hurumende ichabatsira zvizvarwa zvemuZimbabwe zviri kunze izvo zvinoda kudzoka kumusha.

“Vamwe vari kushaya pokutangira vari kuChina neUnited States uye vanoda kudzoka kumusha. KuSouth Africa tine vanodarika 2 200 vakanyoresa kumahofisi evamiriri vedu ikoko vari kuda kudzoka,” vanodaro VP Mohadi.

Vanoti Hurumende iri kutora matanho ekuona kuti vanhu vari kudzoka kubva kunze kwenyika ava pavanosvika muno havaparadzire Covid-19 sezvo vari kubva kunyika dzine chirwere ichi.

“Vanhu vedu vari kuuya vachibva kunyika dzine chirwere ichi zvakanyanya. America inacho zvikuru, UK inacho zvose neChina.

“Pakutanga, takange tati zvikoro nemakoreji zvishandiswe senzvimbo dzekuchengetera vari kubva kunze panguva iyo vanenge vachiongororwa utano hwavo. Sezvo zvikoro zvave pedyo kuvhurwa, tine dambudziko rekuti tochengetera vanhu ava kupi.

“Tiri kutambirawo vakapara mhosva uye inhubu, semanzwiro andinoita. Zvimwe zvezvikoro zvavari kuchengeterwa zviri kugunun’una nekuda kwekuparadzwa kuri kuitwa midziyo,” vanodaro.

VP Mohadi vanoti kusvika nemusi weChina, vanhu 171 vange vatiza kubva munzvimbo dzavari kuchengetwa kumativi mana enyika.

“Ndinofunga kuti pa171 vakatiza, 30 chete ndivo vakakwanisa kubatwa.

“Pavanotiza, vanoenda vachinosangana nevamwe vanhu munharaunda uye kana vaine chirwere ichi, pane njodzi huru yekuti vanogona kutapurira vamwe.”

VP Mohadi vanoti rimwe dambudziko nderekuti vanhu vari kubva kunze vari kungoerekana vave pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa pasina yambiro yapihwa.

“Vanamukoma vedu nehanzvadzi kuBotswana neSouth Africa havasi kunyatsotibatsira nekuti dzimwe nguva tinoona mabhazi akatakura vanhu 200 panguva imwe chete ave pamuganhu wenyika saka tinenge tave kutofanirwa kutsvaga zvekuvatakurisa nenzvimbo dzekuvachengetera,” vanodaro VP Mohadi.

Vanoti vari kubva kunze kwenyika vanochengeterwa kunzvimbo dziri kumapurovhinzi avo panguva iyo vanenge vachiongororwa kuti havana Covid-19 here.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>