Vari kufa  voderera 

03 Mar, 2021 - 11:03 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi 

HUWANDU hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 nevari kufa huri kuramba huchidzikira kana zvichienzaniswa nenguva pfupi yadarika zvichitevera matanho akasimba akatorwa neHurumende ekumisa kupararira kwedenda iri. 

Magwaro emamiriro echirwere ichi anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 36 115 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19. 

Pavarwere ava, 32 905 vakatopona asi vamwe 1 468 vakafa. 

Nemusi uyu, vanhu vashanu vakafa nedenda iri mushure mekunge kwaita mazuva maviri akatevedzana pasina munhu afa – Mugovera neSvondo. 

Vanhu 26 vakabatwa neCovid-19 nemusi weMuvhuro kana zvichienzaniswa ne31 neSvondo uye 14 neMugovera. 

Mamiriro ezvinhu aya akasiyana zvachose kana zvichienzaniswa nenguva yadarika apo munyika muno maifa vanhu vanodarika gumi pazuva uye vaibatwa nechirwere ichi vachisvika 600 kana kudarika mukati mezuva rimwe chete. 

Zimbabwe pari zvino iri mushishi nechirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira kuti vasabatwe neCovid-19. 

Kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 nevari kufa kwaona Hurumende ichinyevenutsa matanho akananga kurwisa denda iri. 

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakazivisa nezvekunyevenutswa kwematanho e“lockdown”. 

President Mnangagwa vanotenda nyika yeChina nerubatsiro rwemishonga yemajekiseni anodzivirira kubatwa neCovid-19. 

Zvimwe zvezvavakazivisa ndezvinotevera: 

. Hurumende ichasimbaradza kufambiswa kwemashoko ari pamusoro pejekiseni rinodzivirira kubatwa neCovid-19
. Mamwe majekiseni 600 000 ari kusvika muZimbabwe munguva pfupi iri kutevera
. Mamwezve majekiseni 1.2 miriyoni achabva kuChina
. Majekiseni ose achabaiwa pachena, kusanganisira achaunzwa nemakambani
. Kupfekwa kwemamasiki, kutariswa kudziya kwemuviri nekuzorwa kwemasanitiser munzvimbo dzeruzhinji kuchaenderera mberi
. Nguva dze“curfew” dzava kutanga na10 dzemanheru kusvika na5:30 mangwanani
. Zvitoro zvemasupermarket zvave kuvharwa na7 dzemanheru
. Maindasitiri ovhura asi achitevedza mitemo yose yeWorld Health Organisation (WHO). Vanotyora mitemo iyi vachamiswa kushanda
. Makambani madiki neari pakati nepakati (SMEs) nemisika yechikafu zvichavhurwa asi vachitevedza mitemo yose yeWHO. Vanotyora mitemo iyi vachamiswa kushanda
. Zvikoro, mayunivhesiti nemakoreji ngazvigadzirire kuvhurwa asi zvichitevedza mitemo yeWHO.
. Mabhazi anofamba pakati pemaguta nemadhorobha odzoka asi vachitevedza mitemo inomisa kutapurirwa kweCovid-19 sekufirita mabhazi, kupfekwa kwemamasiki nekuzora vanoashandisa masanitiser
. Parufu pacharamba pachitenderwa vanhu 30 uye mamwe magungano haafanirwe kudarika vanhu 50
. Mabhawa nenzvimbo dzekusimbisira miviri zvicharamba zvakavharwa. 

. Hapachadiwa matsamba ekuti vanhu vafambe 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>