Uncategorized

Varimi huyai: Capital Foods

19 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

KAMBANI inogadzira kudya kwezvipfuyo, yeCapital Foods iri kuMsasa, muHarare, iri kukurudzira varimi kuti vasimudzire kurimwa kwezvirimwa zvidiki semhunga, zviyo nemapfunde izvo zvinoshandiswa mukugadzira kudya kwezvipfuyo zvakasiyana sezvihuta.

VaOwen Nyoni (48), avo vanova mukuru anoona nezvekutenga nekutengeserana mukambani iyi, vanoti vanotsigira varimi kuburikidza nekuvatengera zvirimwa zvavo nemitengo inogutsa.

“Mukugadzira kudya kwakaita sekwezvihuta, tinoda zvirimwa zvakaita semhunga, mapfunde nezvimwe zvakawanda izvo zvinoita kuti kudya uku kuve kwemhando yepamusoro sezvinodiwa neshiri idzi,” vanodaro VaNyoni.

“Tine zvimwewo zvirimwa zvatinotenga zvinosanganisira chibage, zviyo, maringazuva, soya bhinzi nenyemba tichigadzira kumwe kudya kwakaita sekwenguruve, mabhiza, imbwa, mbudzi, hwai, tsuro nemadhakisi.”

VaNyoni vanoti zvirimwa zviri kunyanya kushomeka kubva kuvarimi imhunga nemapfunde, izvo vanoguma vave kutenga kudura renyika, reGrain Marketing Board (GMB).

“Tine vashandi vedu vanoenda vachitenga zvirimwa kuvarimi kumaruwa uyewo vamwe varimi vanouya nazvo voga mushure mekutanga tawirirana mutengo. Asi hakuna zvirimwa zvatisingade pano zvinogadziriswa kudya kwezvipfuyo,” vanodaro.

Kune vanopfuya mombe dzemukaka nedzenyama, vanokurudzirwawo kutenga zvekudya zvinogadzirwa nekambani iyi.

“Chikafu ichi hachipere pano, anouya achida zvaanoda anozviwana pasina dambudziko.

“Tinogadzira matani 80 ekudya kwezvipfuyo kwakasiyana pazuva saka zvirimwa tinozvida zvikuru.”

Share This:

Sponsored Links