Uncategorized

Varume 2 vafira US$1

07 Jan, 2022 - 15:01 0 Views
Varume 2 vafira US$1

Kwayedza

Abel Zhakata

VANHU vaviri vakafa nekupondwa muzviitiko zvakasiyana pamhemberero dzeGoredzva apo vainwa doro kwaZimunya nekwaMarange mushure mekunetsana pamusoro peUS$1.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti James Chiadzwa (37) akarohwa nedanda ndokufa kwaZimunya apo Nyasha Chiadzwa (35) akapondwa nenzira imwe chete kwaMarange.

Vanoti Wadson Mweni (42) akatosungwa achipomerwa mhosva yekuponda James nemusi wa1 Ndira nenguva dza10:30 manheru.

Vanoti mushakabvu naMweni vainwa doro naHazvinei Chinyanga panzvimbo yeMaguru and Sons Bar kuDoradombo, kwaMutare.

Zvinonzi Mweni akarasa US$1 ndokubva ava kupomera Chinyanga kuti ndiye akanga anhonga mari iyi.

“Vaviri ava vakatanga kupopotedzana zvikuru. Apo vaipopotedzana kudaro, muridzi webhawa iri – Shingai Mamvura – akaudza vanhu vose vaivemo kuti vabude panze achibva avhara bhawa rake.

“Pakabva patanga kurwisana kunze kwebhawa, izvi zvinonzi zvakaita kuti Chinyanga ateme Mweni nebhodhoro redoro pamhanza. Akachekwa ndokubva atanga kubuda ropa.

“Nekutya kuti Mweni aizogona kumurwisa achida kutsiva kumukuvadza kwaaive aita, Chinyanga anonzi akabva atiza nemurima ndokunyangadika. Mushakabvu (James) anonzi akatsvinyira Mweni achiti akange arohwa naChinyanga.

“Izvi zvinonzi zvakashatirisa Mweni achibva apedzera shungu dzake panaJames ndokutanga kumurova nezvibhakera pamwe nechitanda. Vamwe vanhu vaive kunze kwebhawa iri vanonzi vakaedza kumurandutsira asi vakatadza,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Mweni anonzi akazotiza mushure mekupara mhosva iyi uye mutumbi wemushakabvu wakazoonekwa uri chinhambwe chemamita 40 kubva panzvimbo yemabhizimisi iyi muzuva rakatevera uine maronda akadzika.

Mutumbi uyu wakaendeswa kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital kuti unoongororwa.

Munyaya yechipiri, Timothy Gwizo (30) nemukoma wake Believe (30) uye Tatenda Mandengerei (31) vakasungwa vachipomerwa kuponda Nyasha Chiadzwa kwaMarange.

Asst Insp Chinyoka vanoti Nyasha nevasungwa ava vainwa doro vari mukati meMapara Tuckshop kubhuku raMaanhu apo mushakabvu akati akange asiri kuona U$1 rake.

Anonzi aifungira kuti vasungwa ava ndivo vainge vamubira mari iyi.

“Vasungwa ava nemushakabvu vakawirirana kuti vasechane muhomwe dzavo kuitira kuti vaone akange aba mari iyi. Mushure mekusechana, zvakabuda kuti Nyasha ainge asina kubirwa mari iyi asi kuti yaive muhomwe yake yemutirauzi.

“Panguva iyoyo, vasungwa ava vanonzi vakabva vatanga kurova Nyasha vachiti akange avapomera kuti imbavha. Vakabva vatanga kupopotedza Nyasha achiita mhirizhonga.

“Akabuda kunze kwetuckshop iyi ndokubva azvomora machete (zibanga) yaive muchiuno make. Vasungwa ava vakabva vavhara gonhi remutuckshop kuitira kuti mushakabvu uyu asapinde mukati. Vanonzi vakazobuda mutuckshop vachishandisa gonhi rekuseri uye ndokushandisa matanda kurova Nyasha. Vakamusiya afenda,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Nyasha akazowanikwa akafa muzuva rakatevera.

Share This:

Sponsored Links