Uncategorized

Varume vaviri vari kushaikwa

19 Apr, 2022 - 20:04 0 Views
Varume vaviri vari kushaikwa Creedence Sakhile Ncube

Kwayedza

Kwanele Khumalo naNomthandazo Masuku

MURAIRIDZI wepachikoro cheFilabusi High School anonzi haazi kuzivikanwa kwaari sezvo akapedzisira kuonekwa nemusi weChishanu chadarika apo aive akadhakwa.

Creedence Sakhile Ncube anonzi akapedzisira kuonekwa ari panzvimbo yeFilabusi Business Centre.

Anonzi aive akadhadkwa ari mumotokari yake chena yerudzi rweMazda Demio ine nhamba dzinoti AFO 5703.

“Hapana ati amuona pamwe nemotokari yake kubvira zuva iroro nokudaro vanhu vava kunetseka kuti ari kupi. Filabusi inzvimbo isina kunaka zvekuti anogona kudaro akapondwa nemakorokoza akawanda munharaunda iyi,” anodaro mukoma wake anonzi Progress Ncube.

Vangava neruzivo nekune murume uyu vanokwanisa kuzivisa mhuri yake panhare dzinoti 0772 719 095, 0775 101 245 ne0784 228 210 kana kuudza mapurisa epaFilabusi Police Station.

Zvichakadai, imwe mhuri inogara mumusha wePumula, kuBulawayo iri kukumbira rubatsiro kune veruzhinji rwekubatsirwa kutsvaga sekuru vayo vane makore 60 okuberekwa avo vari kushaikwa.

Charles Charlie Ndlovu anonzi akashaikwa nemusi weChipiri svondo rapera apo aive akapfeka tirauzi rekaki, hembe nhema nekepesi tsvuku.

Charles Charlie Ndlovu

Charles Charlie Ndlovu

Ndlovu ane vanga pamusoro peziso rake rekurudyi.

Murume uyu anonzi akabva pamba mangwanani emusi weChipiri chadarika achienda kuOld Lobengula uko aiti aishanyira hama yake asi haana kuzombodzoka.

Mudzimai wake akafonera hama yacho yaaiti aishanyira asi vakaudzwa kuti haana kusvika izvo zvakaita kuti vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Kune vangaita ruzivo nezvekuna Ndlovu vanokwanisa kuchaya nhare kuhama dzake dzinoti 0772 89 4160 kana kuzivisa mapurisa ari padyo navo.

Share This:

Sponsored Links