Varwere vakarapwa pachena

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Varwere vakarapwa pachena Dr Abel Mazire

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

KAMBANI inobika chingwa nekugaya upfu yeNatBake svondo rapera yakaita chirongwa chekurapisa varwere pachena pachikoro cheNzvimbo High School, kuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central.

NatBake inoti yakaita chirongwa ichi sezvo ichikoshesa utano hwevanhu panguva iyo veruzhinji vasiri kuwana mishonga zvakakwana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Tiri kuziva kuti munyika tine dambudziko remachiremba, vamwe vari kuratidzira nekusashanda zvakanaka muzvipatara. Sekambani, taona zvakakosha kuti titsvage machiremba nevakoti vanobatsira pachena.

“Izvi zvinobatsira zvakanyanya nekuti varwere vazhinji vari kushaya mishonga yekuti vabatsirikane uye zvimwe zvipatara hazvisi kushanda zvakanaka,” vanodaro Mai Anne Nhongo vanova general manager kuNatBake.

Mai Nhongo vanoti zvakakosha kuti vemabhizimisi vapote vachibatsira nharaunda dzavanoshandira.

“Tinozvikoshesa nekuti bhizimusi rinokudzwa nevanhu vanotenga zvatinogadzira.

Zvakakosha kuti vaongororwe zvirwere pachena nekuti kuti tikagara tiine vanhu vasina utano munharaunda dzatinoshandira hazvina kunaka,” vanodaro.

Dr Abel Mazire, avo vaitungamirira vanachiremba vakabatsira pachirongwa ichi, vanotenda NatBake vachiti zvakakosha kuti varwere varapwe pachena, kunyanya kumaruwa sezvo vamwe vari kure nezvipatara.

Mumwe wevarwere vakabatsirwa pasi pechirongwa ichi, VaEdmore Mandende Chiunda (48), vanotenda NatBake vachiti,

“Muzvipatara dzimwe nguva tinonzi endai munotsvaga mishonga moga kana kupihwa mishonga asi mimwe yonzi hapana.

Pamwe unoudzwa kuti chiremba wacho haapo zvichiita kuti tigare nematenda pasina kurapwa.

“Nhasi tagonerwa nekuti ndakwanisa kupihwa mushonga wekuti ndibatsirikane.”
Mbuya Stella Nyamutamba (79) vanotendawo vachiti dai zvirongwa zvakadai zvichigara zviriko kuitira kuti veruzhinji vabatsirikane .

Pagungano iri, vaimbi vanosanganisira Peter Moyo, Braveman “Baba Harare” Chizvino naSimon Mutambi vakawana mukana wekutandadza vanhu.

Share This:

Sponsored Links