Uncategorized

Varwere vepfungwa vakaurayana

11 Mar, 2022 - 16:03 0 Views
Varwere vepfungwa vakaurayana Inspector Kudakwashe Dhewa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMA nemunin’ina, avo vose vanonzi vaive varwere vepfungwa, vaibva mumusha waSabhuku Mukahamari kudunhu raMambo Neshuro kuMwenenzi, kuMasvingo vakafa apo mumwe akatanga kuponda mumwe wake ndokuzozvisungirira.

Inspector Kudakwashe Dhewa vanova mutauriri wemapurisa kuMasvingo vanoti Tawedzerwa Murove (34) anonzi ndiye akauraiwa naZondai Murove (32) uye vose vaizivikanwa kuti vairwara nepfungwa.

“Nemusi wa4 Kurume nenguva dza2 masikati, vaviri ava vaiva pamba apo vakatanga kusawirirana nekuda kwenyaya yekunotora mishonga yavo kuchipatara cheNeshuro. Vakatanga kurwa Tawedzerwa achibva akurirwa, akazosungwa netambo maoko nemakumbo naZondai Murove kuti asatize pamusha,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti Zondai akazobva pamusha achienda kunotsvaga mombe, achisiya mukoma wake akamusungirira netambo.

“Zondai akazodzoka kumba nenguva dza5:30 zuva rodoka ndokugara zvake pamba. Akazomusunungura na7 dzeusiku ndokutanga kuperekedzana kuchipatara cheNeshuro kuti vanotora mishonga yavo. Vafamba chinhambwe chinoita makiromita matatu, vakanosvika pachechi yeNeshuro Zion Apostolic Church. Zondai anonzi akabva asunga mukoma wake zvakare netambo makumbo nemaoko achibva atora danda ndokumurova naro mumusoro achibva angofa,” vanodaro Insp Dhewa.

Tawedzerwa anonzi akarohwa nedanda raiva rakareba mita imwe chete kudivi rekuruboshwe remusoro wake.

Zondai anonzi aona kuti akanga aponda mukoma wake, akadzokera kumba uko vakanga vasiya amai vavo, Mai Regina Nyenga (69) akasvikowana varipo.

“Zondai Murove anonzi paakasvika pamba, akasvikopinda muimba yekubikira ndokutora tambo pasina kutaura naamai vake achibva angobuda ndokuenda nemukati merima, amai vake vasina kuziva zvaiitika,” vanodaro Insp Dhewa.

Amai vake vanonzi vakarara vasingazive kwaiva nevana vavo vose kusvikira rechimangwana racho nemusi wa5 Kurume nenguva dza8 mangwanani.

Muvakidzani wavo anonzi Patience Mukachana (37)  akazoona mutumbi waZondai wakarembera mumuti wemutohwe chinhambwe chemamita 50 kubva pamba pevabereki vake.

“Mudzimai uyu aitsvaira pachivanze pake ndiye akazoona mutumbi uyu, akazomhanya kunozivisa Regina Nyenga amai vevana ava nyaya iyi ichibva yanomhan’arwa kumapurisa ekwaNeshuro,” vanodaro Insp Dhewa.

Vagari vemumusha uyu vakazotsvagawo Tawedzerwa  ndokuwana mutumbi wake uri pachechi yeNeshuro Zion Apostolic Church uri mukati medivi reropa wakasungwa netambo.

Mitumbi yevarume vaviri ava yakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheNeshuro kunoongororwa nanachiremba.

“Semapurisa, tinokurudzira vanhu vanogara nevarwere vepfungwa kuti vaone kuti vanogara vachitora mishonga yavo yavanokurudzirwa nemachiremba kuti pasazova nematambudziko akadai aya ekuurayana kana kukuvadzana,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti nguva dzaida kuperekedzana vaviri ava kunotora mishonga kuchipatara hwaiva usiku zvinotaridza kuti nyaya iyi yaiva isina kurongwa zvakanaka.

“Honai mhuri iyi yarasikirwa nevana vaviri, zvinoda kuti tichengetedze vanhu vanorwara vatinogara navo tichivapa mapiritsi nemishonga yavo nenguva,” vanodaro Insp Dhewa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>