Uncategorized

‘Varwere vepfungwa vanodawo dziviriro’

15 May, 2020 - 00:05 0 Views
‘Varwere vepfungwa vanodawo dziviriro’ VaMurambidzi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira varwere vepfungwa rinoti vanhu ava, avo vagara vaine dambudziko rerusarura munharaunda dzavagere,  vatonyanya kuomerwa panguva ino apo Zimbabwe nedzimwe nyika dzepasi rose dziri kushungurudzwa nechirwere cheCovid-19.

Pasi rose Covid-19,  iyo inokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus, yauraya mazana ezviuru zvevanhu ndokubatazve vamwe vanodarika mamiriyoni matatu.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 37 muZimbabwe vange vawanikwa vaine coronavirus mushure mekunge kwavhenekwa vanhu 23 927. Pavanhu ava, 12 vavo vakatonaya kuchiti vamwe vana (4) vakashaya.

Chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga wekuchirapa.

Nedonzvo rekuedza kumisa kupararira nekutapurirana coronavirus, Hurumende yakatoisa zvirongwa zvinosanganisira kuti veruzhinji vambogara kudzimba, pakati pezvimwe.

VaIgnicious Murambidzi, avo vanova mukuru wesangano reZimabwe National Association for Mental Health (ZIMNAMH), vanoti kuburikidza nematambudziko aunzwa muvanhu neCovid-19, varwere vepfungwa vava panyatwa yakakurisisa.

“Sesangano rinomirira varwere vepfungwa, tinopinda muvanhu mune varwere vedu vepfungwa tichiona magariro avo nekudyidzana kwavo nehama nevemunharaunda dzavagere.

“Inyaya inozivikanwa kuti varwere vepfungwa vagara vachisarurwa zvakanyanyisa. Zvino nekuuya kwedenda reCovid-19, tiri kuona kuti varwere ava ndivo vakatoomerwa kudarika vamwe nekuti vari kungoshungurudzwa vachisiiwa pasina anovapa rubatsiro rwezvavanoda,” vanodaro VaMurambidzi.

Vanoti vanhu vari kugara mudzimba nekuita zvose zviri kukurudzirwa neHurumende sekupfeka mamasiki nedonzvo rekudzivirira Covid-19, asi varwere vepfungwa vari kungosiiwa vakadaro.

“Tarisai muone kuti munhu wose ari kupfeka masiki nekugara vachigeza maoko nekuita hutsanana, asi kuvarwere vepfungwa hazviko. Matiri kufamba tinoona kuti varwere ava havasi kuitirwa izvi, asi kuti vanongosiiwa sekusarurwa kwavagara vachiitwa nguva dzose.”

Share This:

Sponsored Links