Vashanyi vakabaiwa nhomba votanga kupinda muZim

09 Mar, 2022 - 10:03 0 Views
Vashanyi vakabaiwa nhomba  votanga kupinda muZim

Kwayedza

Thupeyo Muleya

VASHANYI vakabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 vakatanga kutenderwa kuti vapinde nekumiganhu yakasiyana yeZimbabwe nemusi weMuvhuro zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa neHurumende matanho ekurwisa denda iri ayo airambidza vanhu kufamba zvisina tsarukano kwemakore maviri adarika.

Nguva pfupi yadarika, dare reCabinet rakaita chisungo chekuti miganhu yenyika inge ichivhurwa kuvashanyi vakabaiwa nhomba zvizere.

Zvisinei, kubvira panguva iyi, miganhu yenyika yange isati yavhurwa zvizere pachimirirwa mutemo unotsigira kuvhurwa kwayo.

Miganhu yeZimbabwe yakavhurwa nemusi weMuvhuro pasi pemutemo weGeneral Notice 421 of 2022, uyo wakaziviswa nezvawo negurukota rezvinoitika mukati menyika – Cde Kazembe Kazembe – nemusi weChishanu chadarika.

“Gurukota rezvinoitika mukati menyika nekuchengetedzwa kwetsika vanozivisa mupurisa wose, vashandi vanoona nezvekubhadharwa kwemitero nevanoshanda kumiganhu kuti kupinda nekubuda kwevanhu muZimbabwe kunotenderwa asi zvichienderana nemutemo weStatutory Instrument 18 of 2022, on Public Health (Covid-19 Prevention, Containment, and Treatment) (Amendment Order, 2022 (No 40),” rinodaro gwaro rechiziviso ichi.

Danho iri risati ratorwa, vanhu vaitenderwa kupinda muZimbabwe ndeavo vanoita mabasa akakosha chete vakadai sevanotakura zvinhu zvakasiyana-siyana nezvizvarwa zveZimbabwe vane magwaro anotaridza kuti vane bvumo yekushanda kune dzimwe nyika.

Vakafanobata chigaro chaimmigration officer in-charge kuBeitbridge, VaTrustworthy Manatsire, vanoti “Tagadzirira, tine vashandi vanokwanirana vakabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 kare vanokwanisa kubatsira vanhu vakawanda nevatyairi vemotokari vanenge vachipinda nekubuda zvichienderana nemitemo mitsva iyi.

“Takazivisa zvakare vamwe vedu kuSouth Africa pamusoro pemamiriro ezvinhu matsva aya uye vatanga kuvandudza mashandiro avo.”

VaFrancois Diedrechsen vanove chamangwiza weZimborders Consortium, vanoti kuvhurwa kwemiganhu yenyika hakuzi kuzokanganisa basa rekuvaka riri kuitwa paBeitbridge Border Post, apo pari kuvandudzwa kuti pafambirane nechizvino-zvino kuburikidza nemari inokosha US$300 miriyoni.

Share This:

Sponsored Links