Uncategorized

Vasikana vodzidziswa mabasa

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Vasikana vodzidziswa mabasa amwe venanasikana vari kubatsirwa pasi pechirongwa che2019 Shine: Simuka Upenye

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeLafarge Cement Zimbabwe yakaparura chirongwa chekusimudzira dzidzo neraramo yevanasikana vekunharaunda yekuMabvuku neTafara, muHarare, kuburikidza nekuvadzidzisa mabasa emaoko.

Pasi pechirongwa ichi – icho chinodaidzwa kuti 2019 Shine: Simuka Upenye – vanasikana ava vane makore anobvira pa17 kusvika pa22 okuberekwa vachange vachidzidziswa kwegore rose mabasa anosimudzira upenyu hwavo munyaya dzezvemabhizimusi akadai sekusona, kubika nekushanda mumaindasitiri vachitopinzwawo mabasa akati tsvetere mumakambani.

Precious Nyika, uyo anova human resources and communications manager weLafarge, anoti chirongwa ichi chinotarisirwa kubatsira vanasikana ava nenzira yekuti vanozopupura shanduko inenge yaunzwa muupenyu hwavo.

“Nyaya huru iripo kutsigira mwanasikana kuti asawanikwa achimbunyikidzwa munharaunda nekuda kwekuti anenge achingoswera akagara.

“Hatidi vanasikana vanorarama nekukumbira asi tinoda kuti vazvishandire nemaoko avo nekuti kana ukadzidzisa mwanasikana wadzidzisa nyika,” anodaro.

Anoti kambani yavo yakaona zvakakodzera kuti vadzorere kunharaunda idzo vanodyidzana nadzo kuburikidza nekusimudzira dzidzo uye kuwaniswa kwemabasa kuvanasikana.

Vamwe vevanasikana vari kubatsirikana pasi nechirongwa ichi vanopupura shanduko yave muupenyu hwavo.

“Chekutanga, takapihwa mukana wekuti tiende kuchikoro kuti tikwanise kuzvishandira nemaoko nekambani yeLarfage. Takafundiswa zvekusona saka upenyu hwangu hwatosanduka, ndatova mumwe munhu,” anodaro Shylet Gabaza (21) uyo ava kushanda kuimwe kambani huru iri muHarare.

Anoenderera mberi: “Ndisati ndapinda muchirongwa chino, ndaive munhu aingogara pamba ndichifunga zvisina maturo nekuti kungogara pamba zveshuwa mushure mekupedza chikoro kunorwadza”.

Charity Kamuche (24) – uyowo ari kuita mabasa ekuvaka – anoti akapedza dzidzo yake yeFomu 6 makore adarika.

“Ndakanga ndaneta nekugara pamba asi ndinotenda veLafarge nekutitsvagira vatsigiri (mentor).

“Ndakatanga ndichiita Class 4 yekugadzira zvidhinha asi iko zvino ndava kuita Class 1. Zviroto zvangu ndezvekuti mune ramangwana ndive nekambani yangu ndichipinzawo vamwe vangu mabasa,” anodaro Kamuche.

Mumwe wevatsigiri vevanasikana ava, Pastor Rumbidzayi Judith Kamba vanova executive director wesangano rinomiririra nherera nevana vanotambura reZiMwana WorldWide, vanopupura nemabasa makukutu ari kuitwa nechirongwa ichi.

“Kuti unzi mukundi panotofanira kuva nedambudziko nekuti ndiro rinokupa simba rekuti urwise matambudziko iwayo nekushanda nesimba,” vanodaro Pastor Kamba.

Chirongwa cheShine: Simuka Upenye chine vadzidzi vekutanga avo vakatopihwa zvitupa mushure mekupedza zvidzidzo zvavo mugore 2018.

Chiripo mukubatsira vanasikana vanotambura kuti vayambuke muupenyu hwavo.

Hurongwa hwegore ra2019/2020 Shine: Simuka Upenye huchatora mwedzi gumi nemishanu yekufundisa vasikana ava nzira dzekurarama nadzo vachizvishandira nemaoko.

Chirongwa ichi chinotsigirwa nemasangano anosanganisira Sister 2 Sister ichishanda nesangano reUNFPA neZiChire.

Mamwe emabasa ari kuitwa nevasikana pasi pechirongwa ichi anosanganisira kukanya zvidhinha, kuveza, kugadzira magetsi, kugadzira pombi dzemvura nesuweji, kubika nekusona pakati pezvimwe.

Vanenge vachiwaniswa dzidziso kumakoreji akadai seHarare Polytechnic, Msasa Industrial Training College neDanhiko College kutanga kwemwedzi waNdira 2020.

 

Share This:

Sponsored Links