Uncategorized

Vasimudzwa nemagetsi endove

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Vasimudzwa nemagetsi endove

Kwayedza

Vakatenga motokari shanu nemombe ‘Tinongoitawo setigere mudhorobha’

KUSHANDISA ndove yemombe mukugadzira magetsi kwavandudza upenyu hwevamwe vagari vekumaruwa zvikuru izvo zvaita kuti vasadembe upenyu hwevaya vanogara kumaguta.Vamwe vari kubatsirika pakushandisa mhando yemagetsi iyi vagari vekuDomboshava, mudunhu reGoromonzi West, avo vari pasi pesangano reDomboshava Community Development Association (DCDA).

Mai Prosper Kudakwashe Gamanya (38) vemubhuku raParirewa, kwaChinhamora, vanoti upenyu hwavo hwavandudzika zvikuru nekuda kwekushandisa magetsi anobva mundove.

VaSimbarashe Ndambakuhwa vekwaZiki, kuBikita mudunhu reMasvingo, vachipa mashizha emiti kune imwe yemombe dzavo zvichitevera kushomeka kwemafuro. — Mufananidzo: Shelton Muchena

VaSimbarashe Ndambakuhwa vekwaZiki, kuBikita mudunhu reMasvingo, vachipa mashizha emiti kune imwe yemombe dzavo zvichitevera kushomeka kwemafuro. — Mufananidzo: Shelton Muchena

“Mumwedzi waKubvumbi 2014, takavamba chirongwa chinodaidzwa kuti Domboshava Community Development Association, icho chine vanhu vane shungu dzekushandisa biogas mushure mekunge tadzidziswa kunaka kwemagetsi aya.

“Tinoashandisa kubika, muminda uye vana vachivaitira pakuverenga mabhuku munguva dzemanheru uye pasina kudhurirwa. Ini ndakafarira chirongwa ichi nekuti chinoshandisa zvinhu zvatiinazvo sendove,” vanodaro Mai Gamanya.

Vanoenderera vachiti: “Ndakashandisa US$900 kuvakisa biogas digester rangu pano pamusha uye kuburikidza nekurima kwandinoita muriwo, mbatatisi, matomatisi nezvimwe ndichitengesa kuzvitoro zvikuru nezvimwe, ndiri kuwana mari yakawanda.

Murume wavo, VaKennedy Warikandwa (48), vanoti vave kukwanisa kuchengetedza magetsi avo kuburikidza nekushandisa biogas.

“Tine mombe 13 dzatakatenga kuburikidza nekurima tichishandisa biogas uye tiri kukwanisa kuderedza mari yataishandisa kumutero wemagetsi neUS$15 pamwedzi. Mari iyi inogona kuita seshoma asi kana ichinge yaunganidzwa, yakawanda zvikuru nekuti munguva zhinji tinenge tichishandisa biogas pakubika zvekare harina njodzi yakakura sekuputika kunoita mamwe masitovhu seegasi.

“Mudzimai wangu nevana vave kuwana nguva yekuita mamwe mabhindauko nekuti nebiogas vanobika nekukasika vanhu vachidyawo chikafu chinodziya zvinova zvinobatsira mukudzivirira zvirwere semanyoka,” vanodaro.

Vanoti vakatenga motokari shanu, dzinosanganisira marori nemakombi kuburikidza nemabhindauko ekurima vachishandisa biogas.

“Tine shuviro yekuti kudai takawaniswa zvakare ruzivo rwekuti tidiridze minda yedu tichishandisa simba remagetsi ebiogas. Pazuva tinoendesa mabhanduru 300 emuriwo kuzvitoro zviri kuHarare uye vamwe vagari vemuno vanotenga muriwo wedu nekuti ndewemhando yepamusoro,” vanodaro.

Mukuru wesangano reZERO Regional Environmental Organisation — iro riri kutsigira chirongwa ichi — VaShepard Zvigadza, vanoti madzimai nevana ndivo vanonyanya kushungurudzika nekushaikwa kwemagetsi.

“Mabasa akawanda emudzimba anoitwa nevanhukadzi kudarika varume. Madzimai ndiwo anobika, kuwacha nekutsvaga huni. Saka kuuya kweruzivo rwakadai sekushandisa biogas kunorerutsa upenyu hwavo.

“Tinoona kazhinji madzimai ekumaruwa vachifamba nzendo refu kunotsvaga huni. Izvi zvinovashaisa zororo kana nguva yekuti vaitewo mabhindauko anovapa mari. Huni, parafini nemarasha zvinodhura uye zvinoburitsa hutsi hunokanganisa utano hwavo.

“Vamwe vagari vekumaruwa vanobatwa nehosha dzakaita setsanga dzemumaziso, asima kana kutsva nekuda kwemhando dzemoto dzavanoshandisa. Simba remagetsi rinobva mundove rakachena uye harina njodzi yekuputika,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation muna2012 inoratidza kuti kune mamwe madzimai ari kurasikirwa neupenyu nekuda kwekushaikwa kwemagetsi asina njodzi.

Zibusiso Ncube, uyo anove energy consultant kusangano rePractical Action, anoti kushaikwa kwemagetsi akaringana kunoisa vanhukadzi nevana panjodzi yekushungurudzwa kana kusangana nemhirizhonga.

“Kana madzimai akafamba parima, ane mikana yekubatwa chibharo kana kubirwa. Saka tinokurudzira kuti magetsi awanikwe mumikoto yemumaguta nekumaruwa kana zvichikwanisika.

Amai Prosper Kudakwashe Gamanya nemurume wavo

Amai Prosper Kudakwashe Gamanya nemurume wavo

“Zvakare, muzvipatara vanachiremba vanokwanisa kushanda nemazvo kana magetsi arimo. Kune mishonga inoda kugara mumafiriji uye kuvhiiwa kwevarwere kunoda magetsi,” vanodaro.

Kanzura weWard 4 kuDomboshava, VaConcillius Chataika, vanoti vanhu vazhinji vari munzvimbo yavo vave kuona kukosha kwesimba remagetsi anobva mundove sezvo achibatsira mumabasa akawanda.

“Biogas iZim-Asset nekuti mabhindauko ose amaona ari kuita kuti vanhu vaite mari vari paruzevha. Hapana anoshuvira kuenda kudhorobha nekuti mari iri muno mumusha, tinotoenda kudhorobha bedzi kana tava kunotengesa.

“Tine nhengo 33 dzakatopinda muchirongwa chekuvakirwa mabiogas nesangano reDCDA. Kutemwa kwemiti kwave kushoma zvekuti mombe dzave kuwanawo mafuro akakwana. Mafiriji mudzimba ave kungogara akabaka nekuda kwebiogas, tichinwa mvura nehwahwa hwakarohwa nechando,” vanodaro.

Mahofisi anomirira United States muno, kuburikidza nechirongwa cheAmbassador’s Special Self-Help Programme, akapa rubatsiro rweUS$8 500 kuDCDA muna2014 yekutenga zvekushandisa mukuvakwa kwemabiogas digester pamwe nekudzidzisa vanovaka.

Vamwe vagari venzvimbo iyi vanoti zvichitevera dambudziko rehuni, vanoona zvakakosha kuti vashandise simba remagetsi anobva mundove vachiwana zvakare manyowa akanaka.

Kugadzirwa kwebiogas digester kunosanganisira kuvakwa kwegomba pachishandiswa zvidhina, simende nejecha umo munoiswa mwena unofambisa ndove inenge yakabikika nekupisa uchienda kune mumwe mwena. Kubikana kunoita ndove yemombe, madhongi, nguruve, huku kana tsvina yevanhu apo zvinenge zvakavharirwa mumwena yakavakirirwa iyi ndiko kunoita kuti pabude mweya wemethane gas uyo unozofamba nepombi uchienda kuzvitofu nekubaka mwenje sezvinongoita simba remagetsi anoshandiswa mumaguta.

Sangano reEnvironmental Management Agency (EMA) rinoti miti 50 miriyoni iri kuparadzwa pagore apo vanhu vanotsvaga huni pamwe nekuda kwemoto wesango.

Mutauriri wesangano reRural Electrification Agency, VaJohannes Nyamayedenga, vanoti biogas rakakosha nekuti harikanganise nharaunda uye vakatobatsira vamwe vagari vekumaruwa nekuvavakira mabiogas digester.

Mudunhu reInsiza, kuMatabeleland South, vamwe vagari veko vakatotanga chirongwa ichi, chinova chiri kuvabatsira pakubika uye kuvawanisa chiedza mudzimba.

Masangano anoti reNetherlands Development Organisation (SNV), Practical Action, ZERO, Green Society neHivos, akabatana nebazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, ari kubatsira vanhu vari kumatunhu akasiyana kuti vange vachipinda muchirongwa ichi.

Zvakadaro, chirongwa chikuru cheZimbabwe Domestic Biogas Programme chiri kutarisirwa kuzobatsira dzimba dzinodarika 67 000 munyika nekufamba kwenguva uye mugore ra2017 dzimba dzinosvika 7 400 dzekumaruwa dzichange dzave kushandisa simba remagetsi anobva mundove.

Pamusoro pezvo, nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, uko kuri kukanganisa raramo yeveruzhinji, zvakakosha kuti vanhu vashandise nzira dzakadai nekuti dzinochengetedza masango.

Sangano reSNV riri kudzidzisa vavaki vanodarika makumi mana avo vakatowaniswa zvitupa zvekuvaka mabiogas uye rine tarisiro yekuti vanhu vazhinji vachafarira chirongwa ichi. Kunyika yeRwanda, vanhu vakawanda vave kushandisa simba remagetsi anobva mundove mukuita mabhizimusi akatsaukana.

MuAfrica, nyika dziri pamberi mukushandisa biogas dzinosanganisira Kenya neEthiopia nepamusaka pekuti dzine zvipfuyo zvakawanda. KuAsia neNepal kwakatovakwa mabiogas digester anodarika 10 000.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>