Vatambi baiwai nhomba: SRC

22 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Vatambi baiwai nhomba: SRC Sebastian Garikai

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reSports and Recreation Commission (SRC) riri kukurudzira vatambi vemitambo yakasiyana kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuitira kuti zvigobatsira mukuderedza kupararira kwechirwere ichi pamwe nekudzoswa kwemitambo nekuchimbidza.

Mitambo yose pari zvino yakambomiswa nekuda kweCovid-19 kunze kweyezvikwata zvenyika chete inosanganisira yeZimbabwe Cricket apo maChevrons ari kubandana neBangladesh mumitambo yeOne Day International, Twenty20 Series neTest match series.

Muchinyorwa, akafanobata chigaro chadirector-general weSRC – Sebastain Garikai – anoti zvakakosha kuti vatambi vose vaibaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Kunyanzvi dzemitambo zvakakosha kuti tikoshese chirongwa chekubaiwa nhomba yeCovid-19 sezviri kuitwa neveruzhinji nekuti zvinobatsira mukuderedza kupararira kwechirwere ichi.

“Kana chirwere ichi chikarwiswa, zvinobatsira zvakare pane zvatiri kuedza kuita mukudzosa mitambo yose, ichidzoka iine vatsigiri asi vari vashoma,” anodaro Garikai.

Anoenderera mberi achiti, “Tichitarisana nekumiswa kwemitambo yeChibuku Super Cup, zvakaratidza kukosha kwekubaiwa majekiseni eCovid-19 nekuti zvikwata zvaive nevanhu vakawanda vakabatwa neCovid-19 ndizvo zvaive nevashomawo vakabaiwa.”

Garikai anoti pari zvino SRC pamwe nemasangano akasiyana vari kuongorora mafambiro ari kuita zvinhu munyika maringe nedenda iri.

“Tiri kuongorora zvose zvinenge zvichiitika kuti todzosa sei mitambo, naizvozvo tichange tichiongorora svondo rega-rega tichiita hurukuro negurukota revechidiki nerezveutano nekurerwa kwevana,” anodaro.

Garikai anoti pari zvino mitambo yenhabvu haikwanisike kuti idzoke asi hunge kana zvikwata zvemuPSL zvikatevedzera chirongwa chebio-secure bubble izvo zvinoreva kuti vatambi venhabvu, hutungamiri hwemutambo uyu nevaridzi vepembe vanenge vachigara pavo voga kusina veruzhinji.

“Nhabvu pari zvino inogona kudzoka chete kana chirongwa chebio-secure bubble chiri kutevedzerwa izvo zvinoona vatambi venhabvu, vatungamiri vezvikwata nevaridzi vepembe vose vachigara pamwe chete vasingasange neruzhinji. Izvi ndizvo zviri kuitwa nevecricket nerugby, ndiko kusaka mitambo yavo iri kutenderwa kutambwa.

“Tose tinoda kuona kukasika kudzoka kwemitambo. Asi kudzoka kwayo kunofanirwa kunge kuchienderana nesainzi, mitemo yeWorld Health Organization (WHO) nemitemo yeHurumende,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links