‘Vatambi siyanai nezvinodhaka’

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
VATAMBI verugby nemimwe mitambo yakasiyana vakakurudzirwa kuti vachengetedze miviri yavo uye kuti vasiyane netsika yekutora zvinodhaka sezvo izvi zvichikanganisa remangwana ravo. Muhurukuro neKwayedza svondo rino neMuvhuro pachikoro chePrince Edward, muHarare pamutambo weDairibord Schools Rugby Festival, general-manger weZimbabwe Rugby Union – Sifiso Made – akati zvine njodzi kuti vatambi vatore zvinodhaka.

“Shoko rekuti vatambi vasatore zvinodhaka ishoko ratinogara tichiparidza makore ese nekuti itsika yakaipisisa.
“Kutora zvinodhaka zvisingatenderwe zvinogona kukanganisa muviri wemutambi mune ramangwana arake.

“Vatambi vechidiki ava tinofanirwa kuvadzidzisa zvizere nekuti tinokoshesa ramangwana ravo. Dzimwe dzenguva mune ramangwana vanogona kuzoshamisika kuona vave kutanga kumera mazamu woshaya kuti zvabva nekupi.

“Tiri kugara navo pasi tichivadzidzisa ivo pamwe nevarairidzi vavo,” akadaro Made.
Made mumwe wevatungamiriri veRugby vemuno vakaita zvidzidzo zveanti-doping izvo vakadzidziswa neZimbabwe Olympic Committee gore radarika.

“Ini ndakaita zvidzidzo zveanti-doping gore radarika neZOC nechinangwa chekuzobatsira vetambi vedu vechidiki ava kuti vagove neramangwana rakanaka.

“Ndichange ndichibatsirawo pano neapo nekupawo ruzivo rwangu kuti zvinodhaka zvakaipira chii,” akadaro Made.
Zvakadaro, Made anoti havasati vambosangana nenyaya dzevatambi vanobatwa nemhosva yekutora zvinodhaka pamutambo weDairibord Schools Rugby Festival.

Zvisinei, anoti mugore ra2012 pane vatambi vechikwata chenyika chemaSables vakabatwa mumuviri yavo muine zvinodhaka zvisingatenderwe.
Anoti nyaya iyi yakavakatyamadza zvikuru uye vatambi vacho vakatotemerwa zvirango zvakasiyana.

“Pamutambo weDairibord hatisati tambosangana nevatambi vanotora zvinodhaka asi mugore ra2012 pane vatambi vemaSables vakabatwa kuti vaitora zvinodhaka vakatemerwa zvirango zvakasiyana,” akadaro Made.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>