Vatambi vaita ngura: Siyachitema

08 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
Vatambi vaita ngura: Siyachitema Perpetual Siyachitema

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenetball cheGlow Petroleum Queens – Perpetau Siyachitema – anoti kugara nguva refu vatambi vemutambo uyu vakangogara kwava kuona vazhinji vachiusiya, kuita ngura kana kutsvaga mamwe mabasa anovararamisa.

Kubva pakatanga kumiswa mitambo gore radarika nekuda kwechirwere cheCovid-19, mutambo wenetball hauna kuzombopihwa mvumo yekutambwa zvekare izvo sekutaura kwaSiyachitema, zvava kuita kuti vamwe vatambi vaore moyo vachifunga kuti mutambo uyu hauchdzoke uye vamwe vave kuita mamwe mabasa kana zvedzimba.

“Denda iri chokwadi rakanganisa zvakawanda chaizvo nekuti vatambi vazhinji havachina shungu nemutambo uyu nekuti havachazive kuti uchadzoka here kana kuti kwete.

“Kubva gore radarika taingoita gadziriro vamwe vari kudzimba dzavo, zvino munhu anosvika pakuneta nekungoita gadziriro dzake mutambo usingadzoke.

Kuburikidza nekugara ikoko, vamwe vave kusimba miviri yavo, vamwe vave kuita pamuviri zvekuti kuzotamba netball kunozonetsa pamberi apo.
“Kudai denda iri rachipera kuitira kuti upenyu hwedu nevatambi huchiendekawo nekuti ndipo panoraramira vatambi vazhinji,” anodaro Siyachitema.

Shasha iyi inoti iri kuzvishingisa ndokuudza vatambi vake kuti vasaore moyo uye vagare vachiita gadziriro dzavo kuitira kuti miviri yavo igare yakasimba.

“Pakatanga Covid-19 gore radarika, vatambi vaiita gadziriro vari kudzimba dzavo uye mazuva ose ndaigadzira mavhidhiyo ndovatumira ezvandinenge ndichida kuti vadzidze ivo vozonditumira vachizviita, asi vamwe vakasvika pakuneta nekuti vanenge vave kubvunza kuti toramba tichifondokerei iwo mutambo wacho usiri kudzoka. Vanenge vachitoti zviri nani kuita zvimwe.

“Ini semurairidzi wavo, handikwanise kuvaudza izvozvo kuti zororai, ndinongovati garai muchingoita gadziriro kusvika pazvinenge zvakanaka, hapana anoziva kuti zvinonaka rinhi,” anodaro.

Siyachitema ndiye akatungamira chikwata chemaGems chekutanga kuenda kunokwikwidza kumitambo yeWorld Cup 2019 apo chakanokwikwidza kuEngland uye kubva kumutambo uyu, akasvika achisendeka shangu dzake dzekutamba ndokutanga kurairidza mutambo uyu.

Chikwata chemaGems gore rinotevera chinofanirwa kutanga kurwira kuenda kumutambo we2023 World Cup uyo unofanirwa kuzotambirwa kuSouth Africa.

Achitaura, Siyachitema anoti kana netball ikasapihwa mvumo yekuti ichitanga kutambwa, zvinogona kuremera chikwata chemaGems gore rinotevera kusarudza vatambi vanochimirira pakurwira tikiti rekuenda kuSouth Africa sezvo vatambi vazhinji vanenge vava nengura yekugara vasingatambe kwenguva refu.

“Zvino zvino takatarisana nekurwira kuenda kuWorld Cup, zvino kana tisiri kutamba zvinogona kuzoremera chikwata chenyika.

“Mitambo iri kutofanirwa kutanga kutambwa nekuchimbidza kuti vatambi vagare vakagwinya uye vanosarudza chikwata chenyika vatange kuongorora vatambi. Patakabva kuWorld
Cup yekupedzisira, vatambi vakaita seni, Pauline Jani naJoice Takaidza takabva tasendeka kutambira maGems, saka pane gwanza guru rinofanira kuvharwa.

Kana mitambo isiri kutambwa hameno kuti vanotitsiva sei,” anodaro Siyachitema.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>