‘Vatambi vePSL havaoni mambure’

07 Jul, 2022 - 10:07 0 Views
‘Vatambi vePSL havaoni mambure’ Maronga 'Bomber' Nyangela

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu ichitambira Black Rhinos – Maronga “Bomber” Nyangela – anoti vatambi vekumberi vezvikwata zvakasiyana vanozunza mambure havasi kunyatsobikwa izvo zvaona muPremier Soccer League muchishaya anonwisa kanodarika ka20 mumwaka mumwe chete sezvakapedzisira kuitwa mugore ra2010 naNorman Maroto achitambira Gunners FC.

Bomber, uyo vatsigiri vazhinji venhabvu vanomuziva achizunza mambure zvakamuona achihwina mubairo weGolden Boot kanodarika katatu, anoti nhabvu iri kutambwa muPSL inonwisa mvura asi dambudziko guru nderevatambi vekumberi vanokwanisa kunwisa kakawanda mumwaka mumwe chete.

“Nhabvu iri kutambwa muPSL mwaka uno iri kunakidza uye varairidzi varipo vari kuziva zvavari kuita.

“Asi dambudziko rimwe chete nderevatambi vekumberi, havasi kunyatsozunza mambure. Vatambi vekumberi varipo vakatosiyana nevekare vataiona avo vainyatsozunza mambure zvaiita kuti nhabvu iwedzere kunakidza.

“Kuti chikwata chihwine mukombe wePSL, chinofanirwa kuve nemutambi wekumberi anonyatsozunza mambure sezvaiitwa nevatambi vakaita seni, Moses Chunga, Madinda Ndlovu nevamwe vakasiyana. Izvezvi tinoona Top Goal Scorer achipedza mwaka anwisa ka14 chete, hapana kwatinenge tichienda.

“Paye patinozotumira zvikwata zvedu kunze kwenyika, kana tisina vatambi vekumberi vanogona kunwisa, ndipo patinongosvika tichirohwa,” anodaro.

Nyangela anoti zvakakosha kuti zvikwata zvemuPSL zvishande nevatambi vakaita mukurumbira vabatsire nekupa ruzivo kuvatambi vekumberi kuti vadzidze.

“Vatambi vakaita mukurumbira vakakosha saka zvikwata ngazvivashandise vapote vachivashevedza kuzoshanda nevatambi vachivadzidzisa zvidavado zvekunwisa izvo vaive nemukurumbira nazvo.

“Hatisi kuti toda kuuya mazuva ose, kwete. Tinopota tichiuya pano neapo kuzoshanda navo,” anodaro.

Pari zvino, Nyangela – uyo anogara kuMufakose muguta reHarare – anoti ari kusumudzira vechidiki vane tarenda renhabvu vachigadzira ramangwana ravo mumutambo uyu.

Tsvakurudzo yakaitwa neKwayedza svondo rino, inotaridza kuti mwaka uno parwendo rwekurwira mubairo weGolden Boot – kubva pamitambo 19 yePSL yatambwa – Brian Muza weChicken ndiye ari kutungamira pavatambi vanwisa kakawanda sezvo anwisa ka10.

Brian Muza

Muza anoteverwa naNyasha Tito Chintuli weManica Diamond naWilliam Manondo weCAPS United avo vese vakwanisa kunwisa kapfumbamwe pamumwe nemumwe wavo.

Vamwe vari murwendo rwekurwira mubairo uyu ndiJayden Barake weWhawha naThandolwenkosi Ngwenya weFC Platinum avo vanwisa kasere mumitamo yavatamba.

Clive Augusto, uyo aitambira Chicken Inn, ndiye akapedzisira kuhwinha mubairo weGolden Boot muna2019 apo akanwisa ka14 kubva mumitambo 17 iyo ainge atambira maGamecocks.

Augusto akazoenda kunotambira Maritzburg United yekuSouth Africa mwaka wePSL muno uchiri pakati.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>