. . . vatatu vakafa

28 Apr, 2021 - 10:04 0 Views
. . . vatatu vakafa

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vatatu vakafa neCovid-19 nemusi weMuvhuro svondo rino izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevashaya nechirwere ichi muZimbabwe husvike pa1 560 kubvira pakanyuka denda iri muno gore rapera.

Izvi zvinotevera kufa kwemunhu mumwe nechirwere ichi nemusi weSvondo apo neMugovera pasina akashaya nacho.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti vanhu 16 vakabatwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa nemusi weMuvhuro izvo zvakabva zvaita kuti huwandu hwevawanikwa vaine chirwere ichi munyika yose husvike 38 102.

Pavarwere ava, 35 149 vavo vakatopona.

Budiriro iripo panyaya yekurwisa kupararira kwechirwere ichi munyika inotevera matanho akasimba ari kutorwa neHurumende akananga kumisa kupararira kwedenda iri.

Matanho aya anosanganisira kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 uye kuti vasaite chitsotsoko, kugara vakapfeka mamasiki nekugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer.

Kusvika nemusi weMuvhuro zvakare, vanhu 353 834 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere ichi apo 57 776 vakabaiwa echipiri (2nd dose).

Majekiseni aya ari kubaiwa pachena uye kune vanoda.

Nzvimbo yeVictoria Falls ndiyo iri pamberi panyaya yevanhu vakawanda vari kubaiwa majekiseni aya munyika muno zvichitevera kubaiwa kwechikamu che77 percent chevanhu vanogara muguta iri.

Izvi zvabva zvaita kuti Victoria Falls ive guta rekutanga mudunhu reSadc kuve rakadzivirirwa kuchirwere cheCovid-19 (herd immunity).

Hurumende ine hurongwa hwekuti chikamu che60 percent chevanhu vemuZimbabwe vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuti nyika ive yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Share This:

Sponsored Links