Kwayedza
Abel Ndooka
MWAKA wenhabvu wa2022 wave pedyo nekusvika kwamvura yacheka makumbo uye vatsigiri vemutambo uyu vakavhura maziso vachida kuona kuti ndiani achahwina mubairo mukuru weSoccer Star of the Year neweGolden Boot.
Mukombe wePremier Soccer League wakatohwinwa kare neFC Platinum saka kwasara mibairo inosanganisirawo wevarairidzi weCoach of the Year.
Mwaka uno, mutambi achahwina mubairo weGolden Boot achapihwa US$6 375. Izvi zvakaziviswa namarketing manager wePSL, Rodwell Thabe, svondo radarika.
“Mutambi achahwina Golden Boot mwaka uno achaenda kumba kwake neUS$6 375,” anodaro.
Kusvika pari zvino, zvikwata zvese zvemuPSL zvanwisa ka556 mumitambo 32 yatambwa apo FC Platinum ndiyo iri kutungamira pakunwisa izvo zvaiona ichinwisa ka48. Kuchiti murwendo rwekurwira Golden Boot, mutambi weCAPS United – William Manondo – ndiye ari kutungamira pakurwira mubairo uyu izvo zvamuona achinwisa ka15 mumitambo 32 yatambwa.
Pasara mitambo miviri chete kuti mitambo yePSL ichipera mwaka uno. Manond o anote ve r w a naWalter Musona weFC Platinum uyo akwanisa kunwisa ka12.
Kuchiti Brian Muza weChicken Inn, uyo akambotungamira pakunwisa, anofungidzirwawo kuti mumwe wevanogona kuhwina mubairo uyu apo akagara pechitatu sezvo akwanisa kunwisa ka10