Uncategorized

Vatori venhau votsigirwa

18 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Vatori venhau votsigirwa VaMichael Chideme

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) rakawaniswa rutsigiro neUnited Nations Educational, Scientific Cultural Organisation (UNESCO) uye European Union rwegwaro riri pamusoro pematanho anofanira kutevedzwa nevatori nenhau mukuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19 panguva iyo vanenge vari kuita mabasa avo (Covid-19 Online Safety Guidelines).

Chirongwa ichi chimwe chezvikamu zvesangano reZUJ chine donzvo rekusimbaradza kuburitswa kwenyaya dzine chekuita nekurwisa denda reCovid-19 apo sangano iri riri kushanda nemamwe anosanganisira Media Alliance of Zimbabwe (MAZ), Zimbabwe National Editors Forum (ZINEF) uye Voluntary Media Council of Zimbabwe (VMCZ).

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi svondo rapera muguta reHarare, mutungamiriri weZUJ – VaMichael Chideme – vanoti chirwere cheCovid-19 chiri kushungurudza vatori venhau uye vamwe vakasvika pakurasikirwa nehupenyu zvichibva mubasa ravo rinoita kuti vasangane nevanhu vakasiyana-siyana.

“Gwaro reCovid-19 Online Safety Guidelines rakakosha zvikuru kuvatori venhau vari mumapoka ese kuti vari rave pamwe nekutevedza zviri mariri nekuti rinopa chenjedzo maringe nezvavanofanira kuita kana kusaita takatarisa chengetedzo yehupenyu neutano hwavo, zvikuru munguva ino yechirwere cheCovid-19. Hatichada kuramba tichirasikirwa nehupenyu hwevatori venhau nekuda kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro VaChideme.

Vanoti zvakakosha zvekare kutevedza matanho akatarwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe neWorld Health Organization (WHO) uye nekubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19.

“Tinofara zvikuru kuti makambani mazhinji ezvenhau vari kuitawo zvirongwa zvekufundisa vashandi vavo maringe nedziviriro yechirwere ichi uye vari kuvawanisa zvekushandisa kuti vachengetedzeke,” vanodaro.

VaChideme vanoti zvakakosha kuti gwaro iri ringe riri mumitauro yerurimi rwaamai kuti risvike kumativi mana ese enyika.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaAl Amin Yusuph vanove regional advisor for communication kusangano reUNESCO vakapembedza ZUJ mukufundisa kwairi kuita vatori venhau maringe nechengetedzo yehupenyu munguva yezvirwere zvakadai seCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>