Vatsigiri vemaWarriors vodya marasha

16 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
Vatsigiri vemaWarriors vodya marasha MaWarriors

Kwayedza

Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu havasi kufara nemamiriro akaita nhabvu yemunyika izvo zviri kuona Zimbabwe isina kana nhandare imwe chete inotambirwa mitambo mikuru zvaita kuti mitambo yemaWarriors itambirwe kunze.

MaWarriors svondo rino ari kurwira kuenda kuWorld Cup uye mitambo yacho yese ichatambirwa kunhandare yeHuye Stadium kunyika yeRwanda .

Mutambo wekutanga wekuGroup C, uchaona maWarriors achibandana neRwanda nemusi weChitatu uye weChipiri achatamba neNigeria musi weSvondo kuHuye Stadium.

Hurongwa hwekuti mutambo wemaWarriors neNigeria utambirwe kuHuye Stadium kuRwanda hauzi kufadza vatsigiri venhabvu avo vari kudya marasha vachiti zvinouraya nhabvu uye nyika iri kurasikirwa nemari zhinji kuburikidza nekutambira kunze mitambo inofanirwa kunge ichitambirwa muno.

Mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira – Adomsi Makosi – anoti danho rakatorwa nekomiti idzva yeZIFA kuti mutambo wemaWarriors neNigeria utambirwe kuRwanda pakakanganiswa nekuti vatsigiri vashoma vanokwanisa kukwira ndege kuenda kunoona mutambo uyu.

“Handisati ndambozviona kuti zvinonzi munosarudza kutambira mitambo yenyu kune imwe nyika, ko isu vatsigiri nyika yedu tinoionera kupi ichitamba?

“Tenge tichida kuona maWarriors edu pamusha pedu tichivatsigira, asi manje apa kutaura chokwadi, komiti yeZIFA yarasika,” anodaro.

Makosi anoti Zimbabwe yakapedza makore maviri isiri mumhuri yenhabvu apo yaive yatemerwa zvirango neFIFA neCAF uye panguva iyi kudai paripo hutungamiri hwenhabvu vakatora mukana wekuvandudza nhandare dzakasiyana.

“Takaita makore maviri tisiri kutamba nhabvu nedzimwe nyika, ipapa ndipo pataifanira kushandisa nguva iyoyo kuvandudza nhandare dzedu kuti dzisvike padanho repamusoro zvekuti kutaura kuno dai tiri kuona maWarriors edu neNigeria zvichabandana muno.

“Apa pakakanganiswa, pane akagarira basa rake,” anodaro Makosi.

Nyanzvi yekurova ngoma kumitambo yenhabvu yakasiyana ichitsigira maWarriors neDynamos, Johannes Mwati, anoti vatsigiri venhabvu havasi kufara nekuti vari kushaiswa mukana wekuona nyika yavo ichitamba neNigeria.

“Isu tinofamba nemaWarriors edu pese paanotamba munyika ino hatishaikwe kunhandare tichivatsigira tichirova ngoma nekuimba nziyo dzakasiyana dzekuvatsigira. Hatidi kunyepa, danho rakatorwa rekuti mutambo wavo neNigeria utambirwe kuRwanda hazvisi kutifadza.

“Izvi hazvisi zvebhora, tinoziva kuti munhabvu pamunotambira pamba penyu mofanirwa kushandisa mukana iwoyo kuti muhwine nekuti munenge mune rutsigiro, manje apa neNigeria mese munenge muri kune imwe nyika, saka rutsigiro rwacho ruchabva kupi?

“Munoona tikadzika-dzika nenyaya iyi, mari yese iri kushandiswa neZIFA kubhadhara hotera iri kugarwa nemaWarriors vari kuRwanda ikoko svondo rese neyekubhadhara nhandare, dai mari iyi vaishandisa nemazvo yaitoenda pakuvandudza nhandare dzedu munyika dzikatobuda zvakanaka,” anodaro Makwati.

Austin Charumbira anotiwo: “Bhora rine mari zvekuti dai mutambo wedu neNigeria watambirwa muno, paipinda mari yakawanda iyo yaizoshanda kusimudzira nhabvu yedu yemuno.

“Zvino hameno zvakarongwawo sei uye vakazvironga vaifungei, tave kuitisa imwe nyika mari, mari iyoyo ichangosara muRwanda, isu kuno todzoka tisina chatinacho.

“Mune remangwana, taikumbira kuti ZIFA painoronga zvinhu zvavo ngaipote ichiuya kuvatsigiri inzwewo pfungwa dzedu toronga pamwe chete.”

Asi, munyori mukuru weFriends of the Warriors, Zivanai Muwashu, anoti anotsigira danho rekuti mutambo wemaWarriors neNigeria utambirwe kuRwanda.

“Ini ndakagara pasi nehutungamiri hweZIFA vakandionesa kuti vakatora danho iri nechinangwa chekuti zviri nyore kuitira pakufamba kwemaWarriors kunge vari kunyika iyi, vajairira kugara kunyika iyi.

“Saka ndakaona kuti zvine musoro zvavakaronga,” anodaro Muwashu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>