Vatsigiri venhabvu vodya magaka mambishi

08 Sep, 2021 - 10:09 0 Views
Vatsigiri venhabvu vodya magaka mambishi

Kwayedza

Abel Ndooka

 VATSIGIRI venhabvu vari kudya magaka mambishi zvichitevera kukundwa kwaitwa maWarriors neEthiopia mumutambo wechipiri wekurwira tikiti rekuenda kuQatar World Cup 2022.

 MaWarriors akundwa 1-0 mumutambo uyo watambirwa kuEthiopia, uye iye zvino asarwa negomo guru rekukwira mukurwira tikiti rekuenda kuQatar gore rinotevera sezvo mitambo yechikwata ichi inotevera chichasangana neGhana.

 Munyori mukuru weFriends of the Warriors – Zivanai Muwashu – ati murairidzi wemaWarriors Zdravko Logarusic ave kufanirwa kusiya basa nekuti hapana chaari kubatsira nacho chikwata chedu asi kuchidzorera kumashure.

 “Tange tichifanirwa kuhwina mutambo wedu neEthiopia kuti tirambe tiine mukana wekurwira kuenda kuWorld Cup.

 “Loga apa atirwadzisa, ngaaende nekuti tamupa nguva refu asi chabuda hapana,” anodaro Muwashu.

 Achitaurawo, mutsigiri mukuru wemaWarriors, Adomsi Mukwasi anoti tikiti rekuenda kuWorld Cup rinogona kunge raperera nekukundwa kwataitwa neEthiopia.

 “Kukundwa kwataitwa manheru ano, zvinogona zvatidhakirwa ipapa. Tange tichifanira kuhwina mutambo uyu. Iye zvino tisu tabva taenda pasi muboka redu, tave negomo guru rekukwira kuti tikwanise kuenda kuQatar gore rinotevera,” anodaro Mukwasi.

 Aimbove mutambi wenhabvu Musset Zengeni anoti maWarriors ange achifanirwa kutora zvibodzwa zvose pamutambo weEthiopia, kukundwa kwataitwa kwavasiya vane gomo guru rekukwira.

 “Tange tichifanira kuhwina nhasi, apa tarasa mukana mukuru. Regai tione paGhana tinogona kuwana zvibodzwa zvingani,” anodaro Zengeni.

 Vamwe vange vachitenderedza mashoko padandemutande vachiti Loga aremerwa saka zviri nani aende vamwe vachiti #Logaremerwa

Share This:

Sponsored Links