Vatsigiri vobatsira Zim nemaamburenzi

07 Mar, 2022 - 16:03 0 Views
Vatsigiri vobatsira Zim nemaamburenzi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

ZIMBABWE yakapiwa maamburenzi masere nemimwe midziyo yezveutano kubva kumapoka akasiyana-siyana anoshanda ari pasi peUnited Nations neUnited Kingdom kuburikidza nerutsigiro rwemahofisi anomirira Japan munyika muno uye danho iri rakakosha zvikuru mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mimwe midziyo yakapihwa sechipo inosanganisira ventilators, mibhedha inoshandiswa nevarwere vemuchikamu cheIntensive Care Unit, mafiriji anoshandisa simba remagetsi anobva muzuva nenhumbi dzekudzivirira kutapurirwa kwedenda iri.

Vachitaura pakugachidzwa kwemaamburenzi nemidziyo iyi svondo rapera, mutevedzeri wegurukota rezveutano, Dr John Mangwiro, vanoti vanotenda zvikuru nerubatsiro urwu.

Vanoti Hurumende inotambira nemaoko maviri vatsigiri vanobatsira nemidziyo uye zvimwe zvinhu zvakakosha zvekuti Zimbabwe ikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvayo munyaya dzezveutano pamwe chete nechirongwa chekusimudzira budiriro yenyika cheNational Development Strategy 1 (NDS1).

“Regai zvakare nditende United Nations Population Fund nekuunganidza US$1,3 miriyoni kubva kuHurumende yeJapan yekutsigira zvirongwa zveutano kunzvimbo dziri kunyanya kukurumbira Covid-19, muHarare neBulawayo,” vanodaro.

“Ndinovimbisa kuti midziyo yapihwa nhasi sechipo iyi ichagoverwa kumizinda yezveutano uko iri kudiwa zvakanyanya apo bazi reutano nekurerwa kwevana riri kuramba richisimbisa chirongwa charo chekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19,” vanodaro.

“Zvinhu zvakasiyana-siyana zvatiri kutambira nhasi zvakakosha mukurwisa kupararira kweCovid-19 uye zvinofambirana zvakanaka nechirongwa cheHurumende chekuti vanhu vabatsirike nekuwaniswa nyaya dzezveutano nyore kunzvimbo kwavari.”

Dr Mangwiro vanoti rubatsirwo rwakapihwa neUnited Kingdom runokosha zvakanyanya panyaya yekurapwa kwevarwere veCovid-19.

Vanotendawo UNICEF nerubatsiro rwemidziyo inokosha US$665 iyo yakapihwa Zimbabwe kuburikidza neHurumende yeJapan vachiti izvi zvichaita kuti mushonga wenhomba wekudzivirira Covid-19 ukwanise kusvika kunzvimbo dzinonetsa zvifambiso.

“Kuti tisazowanikwa tichiperevere mune remangwana apo denda iri rinogona kunyuka patsva, bazi redu ratora matanho ekuona njodzi dzinogona kuitika kunzvimbo dziri kunyanya kukurumbira kwechirwere ichi kumativi mana ose enyika kuburikidza nekugovera midziyo iyi zvakaenzana kunzvimbo dzinochengeterwa varwere nekuzvipatara,” vanodaro Dr Mangwiro.

Midziyo iyi ichapihwa kumizinda yezveutano inosanganisira zvipatara zvikuru kumapurovhinzi ose.

“Nditenderei panguva ino kutenda rubatsiro rwatiri kuwana kubva kuvatsigiri vakadai seWHO, UNICEF neGavi nebasa ravo guru rekuona kuti midziyo iyi yawanikwa pamwe nekuzounzwa munyika muno,” vanodaro Dr Mangwiro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>