Vatsigiri vochema

09 Jun, 2022 - 16:06 0 Views
Vatsigiri vochema Zivanai Muwashu

Kwayedza

Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu vanoti vari kurwadziwa zvikuru kuona dzimwe nyika dzichitamba mitambo yekurwira kuenda kuAfrica Cup of Nations (AFCON) iyo ichatambirwa kuIvory Coast gore rinotevera apo chikwata chenyika chemaWarriors chisiri kutamba zvichitevera kutemerwa kwakaitwa Zimbabwe zvirango neFIFA pamwe neCAF.

Mitambo yekurwira kuenda kuAFCON yakatanga svondo radarika uye nyika zhinji dzemuAfrica, kunze kweZimbabwe neKenya, dziri pakati pekutamba mitambo iyi.

MaWarriors akaburitswa mumutambo uyu nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neFIFA neCAF.

Izvi zvinotevera kumiswa kwabasa kwakaitwa bhodhi reZimbabwe Football Association (Zifa) raitungamirirwa naFelton Kamambo nesangano reSports and Recreation Commission (SRC) richipomerwa mhosva yekusagona basa.

FIFA neCAF zvakati zvinoda kuti bhodhi reZifa iri ridzoserwe asi SRC yakaramba yakatsika madziro izvo zvakaita kuti Zimbabwe itemerwe zvirango zvakasiyana izvo zvakazoona maWarriors achiburitswa mumitambo yekurwira kuenda kuAFCON.

Munyori mukuru wesangano reFriends of the Warriors, Zivanai Muwashu, anoti sevatsigiri vari kushushikana zvikuru nekuburitswa kwakaitwa maWarriors mumutambo uyu.

“Kuenda kuAFCON ndiyo World Cup yedu seZimbabwe. Nhabvu yedu yange ichisimuka zvikuru, zvobva zvadai? Zvatirwadza sevatsigiri venhabvu.

“Dzimwe nyika dzese dzemuno muAfrica vanoedza nepavanokwanisa kuti zvikwata zvavo zvinge zvakarongeka uye zvakaga[1]dzirira kutamba mitambo iyi sezvo vachiziva kuti inokosha.

“Tine vatambi vechidiki vakawanda vari kusimukira avo tange tichitarisira kuona vachirwira kupinda muchikwata chedu chenyika vachirwira kuenda kuIvory Coast,” anodaro Muwashu.

Mashoko ake anotsinhira nemumwe mutsigiri mukuru wenhabvu, Chris ‘Romario’ Musekiwa achiti zvinorwadza kuona maWarriros asiri kutamba mitambo iyi.

Chris ‘Romario’ Musekiwa

“MaWarriors anokodzera kugara achitamba mitambo yeAFCON, manje rwendo rwuno zvakona nekuda kwezvirango zvatakatemerwa neFIFA neCAF. Sevatsigiri, tabaiwa panyamanhete nekuti tave kumanikidzwa kutsigira zvimwe zvikwata asi chedu chiripo chisiri kutenderwa kutamba nhabvu.

“Tinokumbira kuti dai SRC neZIFA vawirirana nechinangwa chekubatsira kuti nhabvu yedu ienderere mberi,” anodaro Musekiwa.

Imwe shasha pakutsigira nhabvu ine mukurumbira, Adomsi Mukwasi, anoti hakuna chinhu chinorwadza sekutsigira zvikwata zvedzimwe nyika asi maWarriors aripo.

Adomsi Mukwasi

“Hatina kujaira kutsigira dzimwe nyika isu iyo yedu iripo. Nyaya iyi yakazoona tichitemerwa zvirango izvi ngaigadziriswe ipere.

“Mitambo yekurwira kuenda kuAFCON yakatanga uye dzimwe nyika dziri kutamba asi isu yedu haisi. Matanho mamwe atinotora ngatimatore tichitarisa vatambi vedu.

“Izvezvi zvikwata zvePSL zviri kutamba, asi hapana zvazvinobatsira nekuti hakuna kwazvinotisvitsa nekuti nhabvu yedu yemuno haichatariswe, haisisina basa mumaziso eFIFA neCAF,” anodaro Mukwasi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>