Vechidiki ndivo vane yese: Goda

31 Mar, 2022 - 09:03 0 Views
Vechidiki ndivo vane yese: Goda Prime Rangers FC

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wePrime Rangers Soccer Academy, Godfrey ‘Goda’ Mwoyo orumbidza mwaka mutsva weUnder-21 Challenge League uyo wakatanga svondo radarika achiti uchabatsira kubika vatambi vechidiki vazhinji.

Zvichitevera kuparurwa kwakaitwa U-21 Challenge League apo chikwata chake chakatanga nekuhwina 4-1 pachakakunda cheCranborne Bullets, Goda anoti remangwana renhabvu riri mune vechidiki.

“Takatanga zvakanaka mwaka wedu wekutanga weChallenge League uyo watiri kukoshesa nekuti uri kubatsira chaizvo kubika vatambi vechidiki vemangwana. Zvakakosha kuti titange kubika vatambi vachiri vadiki sezvo izvi zvichibatsira kuti nhabvu yedu igokura mune ramangwana.

“Saka tinokurudzira zvikwata zvakawanda kuti ngazvipinde mumaligi aya tibatsirane kubika vechidiki kuitira kuti pavanozonotamba nhabvu muPremier Soccer League vanenge vaibva, sezvo kuChallenge League kuriko kwatiri kuvabika,” anodaro.

Goda – uyo ane ruzivo rwenhabvu rwakakura zvichitevera kutambira kwaakamboitwa zvikwata zvemuPSL zvinosanganisira Motor Action, Lengthens neShooting Stars – anoti yasvika nguva yekuti zvikwata zvemuno zvichiita mari kuburikidza nekutengesa vatambi kunze kwenyika.

“Basa ratiri kuita iri rekubika vechidiki tinovimba kuti mune remangwana zvichatibatsira kuti vagotengwa nezvikwata zvikuru zvekunze togonawa mari yekuti tirambe tichiita zvimwe zvirongwa zvakasiyana zvekusimudzira nhabvu yevechidiki.

“Panotengeswa vatambi kunze kwenyika, mari iyoyo ngaibatsire zvikwata zvinenge zvashanda kubika vatambi ava,” anodaro Goda.

Mune mimwe mitambo yakatambwa svondo radarika yeUnder-21 Challenge League, chikwata cheEffenberg chakaita mangange 3-3 neDC Academy uyewo BN Academy ndokuita mangange zvakare 0-0 neFriendly Academy, kuchiti Sportsvale yakaumburudzwa 5-2 neChitungwiza Stars.

Share This:

Sponsored Links