Uncategorized

‘Vechidiki nyoresai kuvhota’

04 Jul, 2022 - 20:07 0 Views
‘Vechidiki nyoresai kuvhota’ Fadzai Buru

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VECHIDIKI vanokurudzirwa kuti vanyorese kuvhota uye kukwikwidza muzvigaro zvakaita sekuve nhengo dzedare reParamende pamwe nemakanzura nechinangwa chekuti vakwanise kuzadzikisa zvido zvavo.

Izvi zvakabuda pagungano rakaitwa nesangano reChitungwiza Residents Trust rakabatana nereWeLead iro rinomiririra kodzero dzevechidiki kuChitungwiza nemusi weMuvhuro apo vaifundisa nezvekodzero dzavo dzekuvhota uye kuti vange vachipindawo muzvigaro zvepamusoro mune zvematongerwo enyika.

Yeukai Chogurwei, uyo anova mutauriri weWeLead anoti vakadzidzisa vechidiki vanosvika 30 vemuChitungwiza avo vachapinda munharaunda vachikurudzira vamwe vavo kuti vanonyorese kuvhota.

“Pari zvino tatarisana nenguva yesarudzo dzichaitwa muna2023 nekudaro takaona kuti vechidiki vakawanda vanoratidza kusava nehanya nekuvhota kana kusarudzwa kuti vatorewo zvigaro zvinoita kuti vakwanise kuzvimiririra vachirwira kodzero nenhunha dzavo.

“Vechidiki ndivo vanoziva matambudziko avanosangana nawo nekudaro kana vakawanawo zvigaro zvakadai sezvemakanzura kana nhengo dzeParamende, vanobatsirana mukugadzirisa zvakavakoshera,” anodaro.

Plaxedes Mugari anova murongi weChitungwiza Residents Trust (CHITREST) anoti madzimai mazhinji anotyira kure munyaya dzekutora zvigaro mudare reParamende nekudaro vane basa guru rekuvakurudzira kuti vatore mikana iyi.

“Madzimai anogara achichema nenhau yekuenzaniswa kwemikana nekudaro havafanire kutya nekuti vanotozvigonawo zvinoitwa nevarume kana vakawaniswa rutsigiro. Madzimai ngatipindeiwo muParamende, ngatiiteiwo makanzura nekuti tisu tine mwoyo yekubereka uye kana tawana zvigaro izvozvo ngatishandei nemazvo kuti tisazoshorwa,” anodaro.

Mumwe vevechidiki, Fadzai Buru anoti anoda kuzoitawo nhengo yedare reParamende kuti ange achimiririra zvichemo zvevechidiki.

Stephen Tshuma, uyo anoshanda nevechidiki muChitungwiza, anotiwo vamwe vavo vanokundikana kunyoresa kuvhota nekuda kwekuti havana kutoreswa magwaro ekuzvarwa.

“Kune vachidiki vakawanda vasina magwaro ekuzvarwa, vamwe havana ruzivo rwekuti kuvhota kwacho kunofambiswa sei uye zvii zvinodiwa saka dzidziso inodiwa. Nyaya dzekutora zvinodhaka semutoriro, mbanje nezvimwe ndizvo zvimwe zviri kuvhiringa vechidiki kuti varasikirwe nemashoko akakosha nekuti kwavanoswera handiko kunowanikwa mashoko echenjedzo aya,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links