Uncategorized

Vechidiki vakawanda vatora zvinodhaka

17 Mar, 2022 - 20:03 0 Views
Vechidiki vakawanda vatora zvinodhaka VaEdzai Kachirekwa

Kwayedza

Abel Ndooka

KUUYA kwakaita denda reCovid-19 kunonzi kuri kukonzera kuwanda kwenyaya dzevechidiki vari kutora zvinodhaka zvisingatenderwi mumuviri zvadakai semutoriro izvo zviri kukanganisa remangwana ravo uye vamwe vari kusvika padanho rekurasika njere.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pachirongwa chekuchenesa nharaunda kuMabvuku muguta reHarare, mukuru wekambani yePower Giants Private Limited – VaEdzai Kachirekwa – vanoti kubva nyika payakatanga kuenda palockdown mugore ra2020, vamwe vana vane makore 10 okuberekwa zvichikwira vakatanga kutora zvinodhaka sezvo vaiswera vari kudzimba vasina zvekuita apo zvikoro zvaive zvakavharwa.

VaKachirekwa vanoti ibasa remunhu wese kupanga mazano akanaka kune vechidiki pamusoro pekuipa kwetsika yekutora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri sezvo zvichikanganisa upenyu hwavo.

“Tiri kurasikirwa nevechidiki vane chitsama nekuda kwezvinodhaka zvisingatenderwi mumuviri. Zvinodhaka izvi zvakaipisisa, tiri kuona vana vedu vachiita marombe, vamwe vakusvika pakurwara chaiko nezvirwere zvinosanganisira zvemupfungwa uye gomarara chairo.

“Tikaenda kumarinda, unonzwa tsitsi uchiona kuti makore akanyorwa pamakuva ane chitsama ndeevechidiki avo vamwe vavo vari kuparadzwa nezvinodhaka.

“Saka ibasa redu tose senharaunda kuita mushandirapamwe wekurwisa kutorwa kwezvinodhaka izvi uye tikaona vana vanenge vachizviita ngativavakei nekuvapa mazano akanaka,” vanodaro.

VaKachirekwa vanoenderera mberi vachiti, “Kutorwa kwezvinodhaka kwakawedzera munguva yelockdown nekuti vechidiki vaiswera vasina zvekuita sezvo zvikoro zvaive zvakavharwa.”

Vanoti kambani yavo iri kushanda nemapurisa muchirongwa chakananga kuona kuti nhubu dziri kutengesera vechidiki zvinodhakwa dzarangwa nemutemo.

“Tiri kuvinga vose vari kuita tsika yekupa vechidiki zvinodhaka izvi, tiri kukuzivai. Isu tiri kushanda kuti muvharirwe mukati nekuti itsika yakashata zvikuru iyoyo, muri kutikanganisira vechidiki vedu.

“Zvino vechidiki vakaparadzwa nekuda kwezvinodhaka izvi, isu patinochembera tichazochengetwa nani uye tichazotungamirwa nani isu tichiti vechidiki ndivo vatungamiri vemangwana?” vanodaro VaKachirekwa.

Vanokurudzirawo vanasikana kuti vave nehunhu hunoyemurika kuitira kuti vagove neremangwana rakajeka.

“Vanasikana makatikoshera zvikuru, ivai vana vane hunhu hunoyemurika, vane tsika dzakanaka. Zvikoshesei sekukosha kwakaita goridhe iro risingaonekwi pese pese,” vanodaro.

Hurumende iri mushishi kushanda nemapoka akasiyana kurwisa dambudziko revechidiki vari kutora zvinodhaka uye pane komiti yemakurukota yakatoumbwa kuti itungamirire basa iri.

Share This:

Sponsored Links