Uncategorized

Vechidiki vokurudzirwa kusiyana nezvinodhaka

24 Feb, 2022 - 22:02 0 Views
Vechidiki vokurudzirwa kusiyana nezvinodhaka Mai Memory Kanyati

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA dzekutorwa kwezvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri nevechidiki dzinonzi dziri kuramba dzichiwanda panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Izvi zvakabuda pachirongwa chakaitwa neZimbabwe Youth Council yakabatana nemapurisa, Zimbabwe Council of Churches, Shamwari yeMwanasikana uye veTraffic Safety Council of Zimbabwe chekuchenesa nharaunda kuburikidza nekutsvaira marara muguta reHarare neChitungwiza svondo rapera apo paikushwa mashoko echenjedzo maringe nekuipa kwekutora zvinodhaka.

Mai Memory Kanyati, vanova provincial manager kuZimbabwe Youth Council mudunhu reHarare, vanoti nyaya yekutorwa kwezvinodhaka yatova dambudziko guru kune vechidiki munyika muno.

Vanoti zvakakosha kuti Hurumende nemasangano vatore matanho chimbi-chimbi ekurwisa dambudziko iri.

“Kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki kwanyanya uye kuri kukanganisa raramo yavo. Nyaya idzi dzinonzi dzanyanya kubvira patanga chirwere cheCovid-19 apo vechidiki vari kungoswera munharaunda vasina zvekuita.

“Asi hazvirevi kuti tinozvisiya zvakadaro, zvava kuda muonera pamwe. Tatenderera munharaunda yeHarare neChitungwiza tichikusha mashoko echenjedzo nekuipa kwenyaya idzi,” vanodaro Mai Kanyati .

Vanoti ongororo yavakaita inoratidza kuti vechidiki vakawanda vari kutora zvinodhaka vava kukundikana kuzviregedza nekudaro vanoda rubatsiro rwenyanzvi dzakadzidzira basa rekuyamura vane matambudziko akadai.

VaTafadzwa Makosa, avo vanova resident director weZimbabwe Child Youth Pastors and Church Association, vanoti kana vechidiki vakawaniswa dzidzo pamwe nekurovedzerwa mushoko raMwari, vanosiya zvinodhaka.

“Zvinodhaka hazvingokanganisi pfungwa bedzi asi kuti vamwe vanopedzisira vava kurasika njere, kuba, kubata chibharo nekupara dzimwe mhosva zvinova zvinokanganisa remangwana ravo. Iwo mamasiki chaiwo kana munhu achinge akorwa nezvinodhaka zvakaita seguka, mutoriro, kambwa, mbanje nezvimwe, haatopfeki.

“Kunyuka kwezvirwere zvepabonde kunowandawo kuvanhu vanotora zvinodhaka nekuti kana iyo dziviriro vanobva vaikanganwa. Kutora zvinodhaka kutengesa upenyu saka tinoramba tichishanda nevechidiki tichivafundisa nezvekuipa kwetsika iyi,” vanodaro.

VaMakosa vanoti sangano ravo rinoshanda nevana vanobvira pamakore mapfumbamwe okuberekwa kuti vazive kuipa kwekutora zvinodhaka vasati vapinda mutsekwende iyi.

Hurumende pari zvino iri mushishi yekurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka izvo zvaona ichiumba homwe yakanangana nekugadzirisa dambudziko iri pamwe nekomiti yemakurukota iyo ine basa rekutungamirira chirongwa ichi, pakati pezvimwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>