Vekumaruwa vozvidzivirira

25 Oct, 2021 - 18:10 0 Views
Vekumaruwa  vozvidzivirira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVISINEI nekuti chirwere cheCovid-19 chiri kuenda chichiderera munyika muno, vanhu vagere kumaruwa vari kuratidza kuti vane ruzivo maringe nekuipa kwedenda iri sezvo vari kufambira mberi nekuramba vachitevedza matanho ose ekuzvidzivirira.

Kwayedza yakashanyira nzvimbo yeChivamba Township iri kuZaka, kuMasvingo nemusi weMugovera ikaona kuti veruzhinji vaiita mabasa avo sekutengesa pamusika vari kusevenza vakapfeka mamasiki nemazvo akavhara muromo nemhuno uye vachigeza maoko nesipo kana nedota.

Mumisha vakawanda vari kushandisa nzira ye”chigubhu gear” pakati pezvimwe pakushambidza maoko avo.

Ukuwo mapurisa epaChivamba Police Camp vari kubatsira sezvo vachifamba vachiona kuti veruzhinji vari kutevedza mitemo inomisa kupararira kweCovid-19.

Kwayedza inokurukura nevamwe vagari veko avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pechirwere chanetsa pasi rose ichi uye kuti chingadzivirirwe sei.

“Tiri kupfeka mamasiki patinouya kumusika kuno ku’Bhakosi’ kuzotengesa nekuti inzvimbo inoungana vanhu vakawanda. Chirongwa che’Bhakosi’ tinochiita nemusi weMugovera woga-woga apo vagari vemuno vanouya kuzotenga kana kuhodha zvinhu zvinosanganisira hembe, zvekurimisa, zvekuvakisa kana chikafu.

“Mukana uyu unofarirwa nevanhu vakawanda sezvo uchivarerutsira panhau dzekukwira mabhazi vachinotenga kuJerera, kuChiredzi, kuMasvingo kana kuHarare. Zvose vanozviwanira pano.

“Saka mazuva anoitwa chirongwa ichi vanhu vakawanda vanoungana, ndiko kusaka muchiona mapurisa akawanda kudai uye vanotyora mitemo yekudzivirira Covid-19 sekusapfeka mamasiki vari kusungwa nekuti kana vakasadaro chirwere ichi chinoramba chichipararira,” anodaro Fadzai Munatsi (24).

VaChena Chekero vanoti nzvimbo dzinoungana vanhu dzinopa mikana yakawanda yekutapurirana chirwere cheCovid-19 nokudaro veruzhinji vanofanira kuramba vachitevedza matanho akatarwa neHuruumende uye neWorld Health Orgnanisation (WHO).

“Kugeza maoko, kupfeka mamasiki nekusaungana zvinhu zviri nyore kuita pane kurasikirwa neupenyu. Vanhu vakawanda vanofunga kuti kana zviya vachinge vadzika mabhazi kubva kumadhorobha vachiuya kuno kumusha, vanombofurwa nenhepo vasina kupfeka mamasiki asi kwete, tiri kuvaona vari kusungwa nekuti vanenge vakarembedza mamasiki muhuro.

“Kuno takadzidza kuti chirwere cheCovid-19 chiriko nekuti vamwe vanhu vakafa vaitouya vachivigwa kuno kumaruzevha saka kana tikasazvichengetedza nemazvo, chinogona kudzoka zvekare zvine mutsindo takarivara,” vanodaro.

Ellen Mushuku anoti kudzivirira chirwere kwakakosha pane kuzoda kurapwa munhu wava kutorwara.

“Chirwere cheCovid-19 chichiriko uye chirimo matiri, asi kungoti vamwe vanhu vari kurwara vachipora nekukasika nemhaka yekuti vakabaiwa majekiseni ekuchidzivirira. Vanhu havafaniri kuvarairwa. Padzimba zhinji  vanhu vakagadzira nzvimbo dzekugezera maoko, kuno tinoiti ‘chigubhu gear’ icho chinoiswa nechekugedhi kuitira kuti muyenzi wose akwanise kushambidza maoko asati asvika pamusha. Zvose zvinobatsira kudzivirira chirwere ichi uye vaye vanenge vaine zviratidzo zvedenda iri tinokurudzira kuti vanorapwa.

“Vakawanda kuno kumamisha vakatobaiwa majekiseni ekuzvidzivirira apo varapi vaipinda munharaunda dzine vanhu izvo zvakatirerutsira panyaya dzekufamba,” anodaro.

VaItai Rusike, vanova mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, vanoti chirwere cheCovid-19 chakatekeshera nenyika yose uye chinofambiswa nevanhu kuburikidza nekufamba kwavanoita.

“Vanhu ngatisavarairwa tichifunga kuti kumamisha hakuna Covid-19 nekuti vanhu vari kufamba zvakanyanya zvichitevera kunyevenutswa kweLockdown saka mikana yekupararira kwechirwere ichi ichakakura. Ngatizvichengetedzei nguva dzose,” vanodaro.

Munharaunda yeMasvingo mune vanhu vakawanda avo vakaenda kunoshanda kunyika yeSouth Africa nekudaro mikana yakutakurwa kwechirwere ichi nedzimwe mhando dzeko yakakura kana matanho akasaitorwa kuti chinge chichidzivirirwa.

Zvichakadai, nemusi wSvondo uno nyika yakarasikirwa nemunhu mumwe chete nekuda kweCovid-19 kureva kuti Zimbabwe yava nevanhu 4 669 vashaya nekuda kwedenda iri kubvira parakanyuka muno Kurume wegore rapera.

Vanhu vabaiwa majekisini ekutanga vadarika mamiriyoni matatu kuchiti vakabaiwa epiri vapfuura mamiriyoni maviri nechidimbu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>