Uncategorized

Vezvitoro vofarira mamiriro ezvinhu

23 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Vezvitoro vofarira mamiriro ezvinhu VaDenford Mutashu

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUKURU wesangano revezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu vanoti bhizimusi rezvitoro riri kusimukira zvichitevera kunyevenutswa kwematanho akanangana nekuderedza kupararira kwedenda reCovid-19 uko kwakaitwa neHurumende.

VaMutashu vanoti kurerutswa kwemirawo iyi kwave kuita kuti vatengi pamwe chete nevezvitoro vafambe zvakasununguka sezvo vava nenguva yakasununguka yekuita mabasa.

“Kushandurwa kwemitemo yezvisungo zvekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kwakaitwa neHurumende kuri kuita kuti mabasa afambire mberi zvakanaka. Tiri kuona kuti kuvhurwa nekuvharwa kwezvitoro nguva yacho yaringana, vanhu vari kufamba zvakanaka pasina zvipingaidzo.

“Tinoona zvakare kuti kufambiswa kwezvinhu mukati menyika yedu nezvimwe zvinobva kune dzimwe nyika kuri kuitika nyore kuburikidza nekunyevenutswa kwakaitwa mitemo iyi,” vanodaro VaMutashu.

Vanoti zvisinei nekuti mitemo yekurwisa Covid-19 yakanyevenutswa, zvakakosha kuti vatengi nevezvitoro varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekudzivirira denda iri.

Vanoti kana pakasave nekutevedzwa kwemitemo iyi, chirwere ichi chinogona kunyuka zvakare izvo zvinozoona pave kutorwa kwematanho anodzosera kumashure budiriro yemabhizimisi senzira yekurwisa kupararira kwedenda iri.

“Ibasa redu isu vemabhizimisi kuti titsigire mitemo yakatarwa neHurumende yakanangana nekuderedza kupararira kweCovid-19. Chirwere ichi hachifanirwe kuramba chichipararira uye isu vanhu tinofanira kubatana mukuderedza kupararira kwacho.

Kune vamwe vanogona kuona sekuti chirwere ichi chapera asi chichiriko.

“Vashandi, hama dzedu, vatengi nevamwe vatinodyidzana navo ngavarambe vachienda kunobaiwa nhomba uye tirambe tichichengetedza matinoitira mabasa edu kuti pasawane nzvimbo inogona kukonzera kupararira kwedenda iri. Kune avo vanenge vaona vashandi vachiita sevane zviratidzo zvechirwere ichi, ngavakurumidze kuenda kune vezveutano vari pedyo navo.

“Hatidi kurera chirwere chichienderera mberi apo mushandi kana hama yepedyo inenge iine denda iri,” vanodaro.

VaMutashu vanoti zvakakosha kukasika kuendesa munhu ane zviratidzo zveCovid-19 kuchipatara sezvo zvichichengetedza utano hweveruzhinji.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vatevedze matanho aripo ekurwisa Covid-19.

Matanho aya anosanganisira kupfeka mamasiki nemazvo, kushambidza maoko nesanitizer kana kugeza nemvura nesipo uye kusaita chitsokotsoko.

Share This:

Sponsored Links