Vhenekwai gomarara: Mutsvangwa

01 Nov, 2022 - 17:11 0 Views
Vhenekwai gomarara: Mutsvangwa

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa vanokurudzira veruzhinji kuti vaongororwe chirwere chegomarara kuitira kuti vagare vachiziva kuti utano hwavo hwakamira sei.

Vakataura mashoko aya svondo rapera muguta reHarare pachirongwa chekuongororwa pachena kwegomarara kuvatori venhau icho chakaitwa nebazi ravo.

“Kukurumidza kuongororwa gomarara kunobatsira kuti tirapwe nguva iripo. Ngatibatanei senyika yeZimbabwe pakushambadza nezvechirwere ichi kune veruzhinji kuti vazive nezvacho uye kudzidzisa nezvechikafu chinofanira kudyiwa chine utano,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanokurudzirawo vanhurume kuti vaongororwe gomarara uye vosiyana nepfungwa dzekuti rinobata vanhukadzi chete.

Mutevedzeri wavo, Cde Kindness Paradza, vakatorawo mukana uyu kuongororwa gomarara rezamu uye ndokukurudzira vamwe vatori venhau kuti vatevedze matsimba avo.

Vatori venhau vemapoka akasiyana vakawanawo mukana wekuvhenekwa zvirwere zvisina zviratidzo zvakadai secheshuga neBP.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>