Vobatwa neCovid-19 vowanda

25 Nov, 2020 - 16:11 0 Views
Vobatwa neCovid-19  vowanda Cde Ndlovu

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti iri kushushikana zvakanyanya nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika muno mumasvondo matatu adarika nekudaro matanho ose akatarwa ekurwisa denda iri anofanirwa kutevedzerwa zvizere.

 

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvenharaunda, kusanduka kwemamiriro ekunze nekushanyirwa kwenyika, Cde Mangaliso Ndlovu vanoti vabati vezvemutemo vachaona kuti veruzhinji vatevedzera zvinodiwa mukurwisa chirwere ichi.

Kusvika nemusi weChipiri uyu, vanhu 9 398 vange vabatwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 8 297 vakatopona asi vamwe 274 vakafa.

Vanhu 90 vanove vagara vari munyika muno vakawanikwa vaine chirwere ichi nemusi uyu bedzi apo mumwe chete akafa.

“Cabinet inoshushikana zvikuru nekuwanda kwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 kwemasvondo matatu adarika. Cabinet inosimbisisa kuti mitemo yakatarwa yelockdown neyecurfew zvichiripo.

 

“Zvinofanirwa kuzivikanwa kuti mabhawa, night clubs, casino nedzimwe nzvimbo dzekutandarira sedzinobhejwa mitambo hadzisati dzave kutenderwa kushanda,” vanodaro.

 

Vanoti nyika inoziviswa zvakare kuti vanhu vanoungana muzviitiko zvakadai sekumachechi nemichato vanofanirwa kuve pakati pe50 ne100.

“Vabati vezvemutemo vachaona kuti matanho aya atevedzerwa. Zvinofanirwa kusimbisiswa kuti kana pasina kutevedzerwa kwezvinodiwa pasi pemitemo iyi vabati vezvemutemo vachaona kuti patorwa matanho akakodzera,” vanodaro Cde Ndlovu.

 

Vanoti zvichitevera kuswedera kwaita zororo reKirisimasi, veruzhinji vanokurudzirwa kuona kuti vazvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.

Dr Ndlovu vanoti Hurumende yakapa bazi redzidzo yepuraimari nesekondari $150 miriyoni yekucheresa zvibhorani muzvikoro zvakatarisana nedambudziko rekunyuka kwechirwere ichi nechinangwa chekuti vana vawane mvura yakachena yekushandisa.

 

Izvi zvinotevera kunyuka kwakaita Covid-19 muzvikoro zvinosanganisira John Tallach High School iri kuMatabeleland North apo pane vana nevadzidzisi vanosvika 115 vakabatwa nedenda iri.

Share This:

Sponsored Links