Uncategorized

VOCHAYA MAPOTO KUYUNIVHESITI

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
VOCHAYA MAPOTO KUYUNIVHESITI

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA ino yekuoma kwezvinhu munyika, vamwe vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vanonzi vave kugarisana “sababa naamai” mudzimba dzekuroja.

Vamwe vakomana nevasikana vanonzi vari kuchaya mapoto apo vanenge vachigara vose sevakaroorana vari kuchikoro, vozombosiyana pavanovhara.

Vadzidzi vanonzi vari “kuchata” nechinangwa chekuti zvivarerurikire sezvo mari yavanopihwa nevabereki vavo inenge isingavakwanire.

Asi vamwe vanongonzi vari kuita izvi nehunzenza hwekuda kuchengetedza mari dzavanenge vapihwa kuti vagoshandisa.

Kana musikana “akachata” nemukomana, zvinoreva kuti vanenge voroja imba imwe chete, mukomana obhadhara rendi nekutenga zvinodiwa, musikana achiita humai nekuchengetedza mari yaanenge akapihwa.

Kune vamwe — kunyanya vanhukadzi — vanodanana nema”sugar daddy” anozivikanwa nekuti ma”Blesser” avo vanenge vachivapa zvose zvavanoda.

Vamwewo ndivo vari kudanana vachibhadharana nechikafu chinosanganisira matemba sezviri muhurukuro yevaviri iyo ine Kwayedza paWhatsApp apo mudzidzi wechikadzi wepane imwe yunivhesiti huru anokumbira mukomana anovawo mudzidzi ipapo kuti amupe usavi hwematemba, iye ozomubhadhara nebonde.

Hurukuro yevaviri ava inotanga seizvi:

Musikana: “(zita remukomana) urip sha”

Mukomana: “Downstairs muroom mangu”

Musikana: “Haunawo kusiya kasadza here nezuro”

Musikana: “Ndine nzara”

Mukomana: “Karimo but hakana muriwo”

Musikana: “Hauna kana tumatemba here ndotubika wondi . . . hako but ne . . .” (hazvinyoreke mubepanhau remhuri)

Mukomana: “Huya”

Kwayedza svondo rino inokurukura nevamwe vabereki nevadzidzi pamusoro penyaya iyi.

“Ichokwadi, vana vari kuchaya mapoto kuzvikoro uku apo vanotogara mumba imwe chete yavanoroja vachidarika kana gumi vakati musikana nemukomana vachirara pamubhedha mumwe chete semurume nemudzimai. Ndezvenguva iyoyo yavanenge vari kuchikoro bedzi. Pavanoenda kuzororo kana kupedza chikoro, voti aziva kwake aziva kwake.

“Chinangwa chekuchaya mapoto ndechekuedza kubatanidza zvinhu, mukomana akatumirwa mari kana chikafu nevabereki vake anodya nemusikana, musikana akatumirwawo mari oita zvimwe chetezvo kana kuichengetedza,” anodaro mumwe mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe uyo watichangoti Tatenda kuitira kumuchengetedza.

Anoti raramo yerudzi urwu yatova nemakore ichiitwa chipo chekumayunivhesiti ose kusanganisira Great Zimbabwe, Midlands State, Bindura University nepaUZ, pakati pemamwe uko vadzidzi vanoroja.

Vamwe ndivo vanoti dzimba dzavanoroja vanonzi vabhadhare nemari yekunze izvo zviri kuvaremera.

“Tava kutodanana nemadhara kuti zvitifambire. Kuti munhu udzidze nesimba hunge wakaguta uye hunge mari dzechikoro dzakabhadharwa dzikapera, fanika dzakakwira kudai. SepaGreat Zimbabwe University semester ino tiri kubhadhara US$13 000,” anodaro mumwe mudzidzi wepaGZU.

Best Dhliwayo (23), uyo ari kudzidza paUZ, anoti kuoma kweupfumi munyika ndiko kuri kutuma vamwe vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji kuita maBlesser.

VaBrian Tazarwa (27) vemuHarare vanoti kuoma kwezvinhu handiko kunoita kuti munhu aite chipfambi cherudzi urwu, asi kuti ipfungwa inenge yagara iri maari.

“Izvozvi isu zvatiri kuenda kumabasa zvinhu zviri kutifambira here? Saka nyika yose inodii kusanduka yongozara nepfambi? Hunhu hwemunhu hauchinjwe nekuda kwemamiriro akaita zvinhu, asi kuti hunzenza bedzi hunenge hwagara huri muvana vedu.

“Kana mubereki achitokwanisa kuendesa mwana kuyunivhesiti angatadza here kumupa chikafu nezvimwe zvinodiwa? Vangani vana vari kuwaniswa zvose mudzimba umu, asi vari kungoita chipfambi wani,” vanodaro. Mai Checky Nhunge (65) vanotiwo chipfambi hachipedzi nzara, saka vana vari kumayunivhesiti ngavadzidze kuzvishandira.

“Mwana chaiye anoda dzidzo anogutsikana nezvaanowaniswa nevabereki vake, chero zvikaita zvishoma. Chipfambi chinounza hurwere hweHIV kana kupondwa chaiko nekuti vana ava vari kudanana nevarume vevanhu. Unotogona kuiswa runyoka wofa.

“Kushingirira kudzidza munhu opasa owanawo basa rinoenderana naye ozodya mari dzako kwakangonaka. Zvino vanosvika rinhi vana ivavo vachichaya mapoto kuzvikoro? Zvinonyadzisa zvikuru,” vanodaro.

Kuchiti VaThomas Zimuto (45) vanotiwo chipfambi chiri kuitika kumayunivesiti nemakoreji chiri kukonzerwa nenzara.

Nigel Katsiga (22), uyo anofunda paUZ anotiwo: “Kune anonzi ma’Bush Boarder’, kureva vadzidzi vanoroja munharaunda dziri pedyo nechikoro, kuchizoti ma’resident’ avo vanogara muyadhi yechikoro. Vanogara muchikoro ndivo vari kunyanya kuita chipfambi nekuti hakuna anovaongorora, ndivo vanotobuda zuva rakacheka nyika vachienda kumaBlesser.

“Vanogona kana kutopinza munhu mudzimba dzavo vobhadhara magadhi. Vanoroja kunze vanoongororwawo nevaridzi vemba nekuti vanenge vachitotyirawo kubirwa,” anodaro achiramba kutorwa mufananidzo. VaThomas Nyamanze (29) vanoti mari yemuno haisisina simba rakawanda pakutenga zvinhu izvo zvinoita kuti vana vasvike pakuomerwa sezvo vabereki vasisakwanisa kuvapa zvinovakwanira.

Yvonne Munemo (20) anotiwo vadzidzi vanofanirwa kutsvaga twumwe twumabasa twemaoko twunovapa chouviri pane kuita chipfambi.

“Kutengesa muviri huda nekuti kudai vasingatenderani nazvo vaimhan’arira. Zvino ivo vana ava ndivo vanoenda paindaneti kana kuvhura maWhatsApp Group ekutotsvaga maBlesser anovapa mari.

“Vamwe vana vanongotevedzerawo zvavanoona zvichiitwa nevamwe sekuti kana vachinge vaona mumwe wavo atengerwa motokari, vanozvichiva voitawo chipfambi,” anodaro.

Marcia Nyamutata (19) anoti Hurumende ngaitsigire zvizere vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji kuburikidza nekuvawanisa mari yema”grants”.

Mashoko ake anotsinhirwa naKalven Newton (30) achiti vadzidzi vanoda kutsigirwa nemari.

Hurumende yakatotanga chirongwa chekuwanisa vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji mari dzekuti vabatsirikane mufundo yavo.

Pardon Vengai anoti kutevedzera vamwe ndiko kunoita kuti mwana agumisire ava kuda zvinhu zvinodarika bhajeti yake opedzisira otengesa muviri.

Munguva pfupi yadarika, kune vanasikana vaviri vepaUZ vanonzi vakarasikirwa neupenyu mushure mekunge vaedza kubvisa mimba vari pachikoro.

Share This:

Sponsored Links