Uncategorized

VODONHA MOTO MUMAZISO

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
VODONHA MOTO MUMAZISO

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANA vatatu vemhuri inobva kuNyahunda, kuBikita, mudunhu reMasvingo vari kuitwa zvinogara zvakadaro — vanobaka moto uchidonha kubva mumaziso, tsanga dzechibage dzichibuda mumhuno dzavo uku vachikwaturwa kurohwa mazimbama nekutemwa nematombo nezvinhu zvisingaonekwe.
Nemusi weChitatu chino, mumwe wevana ava akaridza mhere kuchema apo akakwaturwa mbama yakatonzwikwa nevatori venhau apo Kwayedza yaiita hurukuro ino nevabereki vavo.

Mumwe wevana ivava akayuwirawo achiti ainge amvonywa kuswinywa patsapfu zvose nekudirwa mbama.

Mhuri yababa Shadreck Shumba (37) naMai Tinotenda Shumba (35) (handi mazita avo chaiwo asi makore ndiwayo) ndiyo iri kuitwa mashura aya.

VaShumba vanoti dambudziko iri rakatanga mumwedzi waChikumi gore rino apo mwanasikana wavo mukuru ane makore 12 okuberekwa akamharwa netoki mumusoro ndokubva atanga kubuda marasha ane moto mumaziso.

“Takamboshaya mbatya dzechikoro dzemwana iyeyu dzikazowanikwa dzakaboorwa.
“Ari kumusha kuna ambuya, akazomharwa netoki mumusoro ndipo paakatangira kubuda mazimbe emoto, makuru nemadiki mumaziso ake,” vanodaro VaShumba.

Kubva pakatanga dambudziko iri, mwana uyu – uyo ari kufanirwa kunge achiita Giredhi 6 asi akatoregedza chikoro zvekuti atopedza mwedzi mitanhatu agere pamba. Anonzi akazotanga kurohwa nembama mazuva ose nezvinhu zvisingaonekwe.

“Chinonetsa ndechekuti vana ava pakudonha marasha ane moto mumaziso vakangoagamha vanotsva maoko asi maziso asingatsve. Vanorohwa mbama dzinotorira tichinzwa,” vanodaro VaShumba.
Mumwe mwana wepakati wemakore matanhatu okuberekwa anonzi anobudawo marasha ane moto mumaziso sezvinoita mukuru wacho.

“Anobudawo marasha ane moto kuchizotiwo wekugumisira uyo ane gore anobuda tsanga dzechibage nemumhuno. Pane imwe nguva takaburitsa tsanga 18 kubva mumhuno make.
“Kurohwa nembama kunonyanya kumusikana mukuru uye isu tinongobatanidzirwawo navadzimai nevamwe vana vaviri ava,” vanodaro VaShumba.

Mhuri iyi yakatizira kuMbare uko kwairi kugara nedzimwe hama mushure mekunge vabva kwaRusape kwavanoshandira.

Asi pakutanga, vakasvikira kumba kwehama inemba kuMufakose, muHarare uko VaShumba vanoti kune mwana akazosimudzwa pamubhedha ndokukandwa pasi vachibva vatadza kugarisana nevanhu ava zvakanaka vakabva vatama kuenda kuMbare.

Ikoko kuMbare uye tiri pakati pehurukuro ino, musikana mukuru akarohwa nembama vatori venhau varipo ikarira zvekuvharira mumba apo mutori wemufananidzo, Munyaradzi Ruhukwa akapotsa abereka rutsoka kutiza.

“Ndarohwa kani, ndakuvara, zvava kundiruma,” akashevedzera mwana uyu. Mhuri iyi inotemwa nematombo anobva mumhepo uye mwana wepakati anonzi akatombotemwa nezibwe mumusoro akakuvara.

Neimwe nguva, mhuri iyi inoti huni dzaimboburwa muchoto dzichitakurwa kunovapisa nechinhu chavasingaone.

“Ini nemwana musikana mukuru taimborohwa nembatatisi nemadomasi mumusoro.
“Tafamba taneta, tinodawo kubatsirwa uye takapedza kutengesa mombe saka mari hatisisina. Ndinofamba nemudzimai wangu asi vabereki havadi kufamba nesu,” vanodaro VaShumba.

Vanoti kudzinza kwavo kune mumwe musharukwa anodaidzwa kuti muNigeria nenyaya dzekushereketa.
“Mumusha medu munonzi mune ngozi yemunhu akatsikwa nebhazi uyewo ndakambonetsana natete vangu vakanditi ndichakukwirira pachuru zvandisina kuziva kuti zvinorevei,” vanodaro VaShumba.
Murume uyu anoti akaberekwa mumhuri yechipari uye akambozvimba dumbu akazorutsiswa kuti riserere.

“Dambudziko iri rinongova neni chete mumhuri, kwandinofamba ndinonzi kumusha kwangu ndiko kwazvinobva. Pane tsvimbo yandinoona inosiiwa mudanga remombe redu kumusha ichizotorwa zvandisingazive kuti zvinorevei.

“Tine vakuru mumusha vanoonekwa vachigezera pakati pedanga remombe masikati machena vachisiya chipfeko chavo chemukati imomo.”

VaShumba vanoti kumwe kwavanofamba vanoudzwa zvakare kuti mudzinza ravo mune munhu ari kuita zveSatanisim.“Hanzvadzi dzose dzapera kudzoka kuvarume nekuda kwengozi inonzi iri mumusha medu. Ndinokumbira zvangu kune vanogona kundibatsira kuti varidze nhare dzinoti 0772 649 032. Izvozvi hatina pekugara, hama dzave kutitya nekuda kwedambudziko iri,” vanodaro VaShumba.

Mai Shumba vanoti mwanasikana wavo akambosungirirwa netambo yaaidiridzisa kusvika muhuro vakazomununura ava kuda kutodzipwa nechinhu chavaisaona.

“Tiri kubasa kwaRusape, ndakanzwa mwana achishevedzera kuti ndasungwa ndokuenda ndikanowana amonererwa netambo kusvika muhuro achiti aiita izvi aisamuona. Ndakazomusunungura ava kutadza kufema,” vanodaro Mai Shumba.

Mwana wavo mudiki vanoti vakazomuona asungirirwa papombi yemagetsi uye akazosunungurwa nemusikana mukuru. “Mwana musikana mukuru kunze kwekurohwa, anorumwa pachioneka padhindika mazino nekuswinywa nenzara achitochema. Baba nemusikana uyu vakamborohwa neshamu yavaingoona ichibva mudenga,” vanodaro Mai Shumba.

Vanoti murume wavo nemwana musikana mukuru vaimboona shiri mbiri nenyoka uyewo nekatsi ine muromo mutsvuku izvo zvavaingoona ivo voga zvichivatevera.

Share This:

Sponsored Links