Vodzidza pachena…BEAM yobhadharira vana 1 miriyoni mari dzechikoro

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Vodzidza pachena…BEAM yobhadharira vana 1 miriyoni mari dzechikoro

Kwayedza

Kuda Bwititi

ZVIZVARWA zvemuZimbabwe izvo zvinoshaya zvichawaniswa rubatsiro rwakawedzerwa mugore ra2020 urwo ruchaona vana vanosvika 1 miriyoni vachidzidza pachena pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM), kozoti chikafu chepachena, kurapwa uye kupihwa mari kumhuri dzinotambudzika.

Kuvandudzwa kwemararamiro emhuri dzinotambudzika kuri kuuya panguva iyo nyika ino yange ichitsvaga nzira dzekurwisa nadzo nzara yegore radarika iyo isati yamboonekwa zvakadaro mumakore 40 adarika.

Nzara yemwaka wa2018-2019 yaona sangano reWorld Food Programme richiti Zimbabwe imwe yenyika 15 pasi rose dzinoda rubatsiro rwechikafu rwechimbi-chimbi.

WFP ichashanda pamwe chete nemamwe masangano mukuunganidza chikafu ichi.

Muchinyorwa chakabuda svondo radarika, WFP inokurudzira vatsigiri vakasiyana kuti vabatsire Zimbabwe mukurwisa nzara.

“Sub-Saharan Africa iri pamberi paongororo yakaitwa neWFP uye nyika dzinoti Zimbabwe, South Sudan, Democratic Republic of Congo neCentral Sahel dziri kuda kubatsirwa nechimbi-chimbi, kunyanya zvinodiwa nevana, madzimai nevanhurume,” inodaro WFP.

WFP inoti nyika ino iri kusangana nenzara nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze uko kuri kukonzera kuti mvura inaye iri shoma uye izvi zviri kuita kuti pave nemamwe matambudziko munyaya dzeupfumi.

Apo masangano ekunze ari mushishi kushanda pamwe chete nechinangwa chekubatsira Zimbabwe, Hurumende iri kuitawo zvimwe zvirongwa zvekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Bazi revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya rinoti richawedzera zvirongwa zvekubatsira vanhu vanotambudzika gore rino.

Pasi pechirongwa cheBEAM icho chinobhadharira vana mari dzechikoro, huwandu hwavo huchawedzerwa kubva pa415 000 avo vakabatsirwa gore radarika kuenda pa1 miriyoni.

Vadzidzi vanobatsirwa pasi pechirongwa ichi ndevekupuraimari, vekusekondari, kumakoreji nekumayunivhesiti.

“Vadzidzi vanosvika 415 000 vanova nherera nevamwe vanoshaya nyika yose vakabatsirikana gore radarika pasi pechirongwa cheBEAM kuburikidza nekubhadharirwa mari dzechikoro nedzebvunzo kune avo vakanyora bvunzo dza2019.

“Gore ra2020, mari inosvika $450 miriyoni yakaiswa mubhajeti kuti igobhadhariswa fizi dzevamwe vadzidzi sezvo vakawedzerwa kubva pa415 000 kuenda pa1 miriyoni,” rinodaro bazi iri.

Pari zvino, Hurumende haina chikwereti chemari inobhadharirwa vadzidzi pasi pechirongwa cheBEAM sezvo gore rapera yakapa $140 miriyoni kuzvikoro yekubhadhara zvikwereti zvose izvo zvange zvigara kubva 2014.

Nechinangwa chekuti vadzidzi vakakodzera vabatsirikane, pachaitwa ongororo yakasimba kubvira padanho redistrict kusvika kupurovhinzi yevana vanofanirwa kubatsirwa.

Nekuda kwenzara ya2018-19, Hurumende yakaona kuti dzimwe nzvimbo munyika dziri kuda rubatsiro rwechikafu.

Vanotambura – kusanganisira vari mumadhorobha – vachabatsirwa nechikafu chakaita sechibage.

Svondo radarika, gurukota rezvehomwe yenyika rakapa mari inosvika $10 miriyoni yekutakurisa chibage kuenda kumhuri dzinotambura kumativi ose enyika.

Bazi iri rinoti chimwe chechikafu chichagoverwa kuvanhu chinosanganisira mupunga uyo wakabva kunyika yeChina uyo wakapihwa kumutungamiri wenyika President Mnangagwa avo vanoti unofanirwa kugoverwa kumatunhu ose ekumaruwa eZimbabwe.

Muna2019, mhuri dzinotambura dzinosvika 65 000 kubva kumadistricts 23, dzakabatsirwa nemari yakabva kuHurumende iyo yaipihwa $20 pamwedzi pamhuri yoga-yoga.

Asi mwedzi uno mhuri idzi dzichapemberera sezvo mari iyi iri kuwedzerwa kuenda pa$100 uye vachapihwa neimwe yekumashure kubva musi wa1 Ndira 2019.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>