Uncategorized

Vodzinga nzara nehurombo

13 Nov, 2020 - 00:11 0 Views
Vodzinga nzara nehurombo Mai Modesta Zimwenje

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reSurvivors In Action Grassroots Women Network (SIAZ) — iro rinorwira kodzero dzevanhukadzi — riri kusimudzira madzimai ari kumatunhu akasiyana enyika muzvirongwa zvekurima nechinangwa chekuti vakwanise kudzinga nzara neurombo, zvikuru munguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19.

Svondo rapera, sangano iri rakashanyira mamwe madzimai ari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi kuEdernsburg iri kuManyame, kwaSeke.

Mai Clara Makwara, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti madzimai anodarika 1 200 ekunzvimbo iyi ari kubatsirikana nechirongwa ichi.

“Donzvo redu nderekuona kuti madzimai nevanasikana vasimudzirwa mukurarama kwavo. Sezvamuri kungoona, chirwere cheCovid-19 chakauya munyika muno izvo zvaona veruzhinji vachinetseka kuwana chikafu kunyanya munguva ye“lockdown”.

“Munhu wose kuno akanga ava kungoponera kumisika sekuJambanja, kwaChikwanha nekuMbare nekuti ndiko kunongotengesera varimi. Saka kana madzimai akawaniswa kodzero yekuva neminda iri mumazita mavo, vane sarudzo yekurima zvavanoda vachiwana mari dzekuriritira mhuri,” vanodaro.

VaRegis Manjoro, avo vanova murongi kusangano iri, vanoti chirwere cheCovid-19 chinokwanisa kurwiswa kuburikidza nekuwana chikafu chakakwana uye chinovaka muviri.

Vanoti vari kufundisa madzimai nzira dzakanaka dzekurima, zvikuru munguva yekusanduka kwemamiriro ekunze kuitira kuti vasazorasikirwa negoho.

Modesta Mwenje (37) wekuEdernsburg anoti kurima kwakakosha nekuti kunomubatsira kuti awane mari yekuendesa vana kuchikoro uye kutenga chikafu chemhuri.

Mashoko ake anotsinhirwa naMiriam Chizarira (35) achiti, “Kuwaniswa kweminda kumadzimai kunobatsira mukuderedza nyaya dzemhirizhonga kana takatarisana nenyaya dzekugoverwa kwenhaka nekuti kazhinji isu madzimai ndisu tinodzvanyirirwa tichingopihwa ndiro nemapoto asi vanababa vachinzi ndivo vanotora zvikuru seminda nedzimotokari. Kuwaniswa kwedu kodzero yeminda kusimudzirwa kukuru.”

Mai Viola Matanga (45) vanotiwo vari kutora mukana wekuvepo kwechirwere cheCovid-19 kuita mabhindauko ekurima.

“Hatichisina dambudziko rezvekufambisa nekuti ivo vatengi ndivo vava kutouya nemotokari dzavo kuzotenga zvirimwa zvedu kuno. Hatichaona musiyano wemudzimai ari pabasa kumaguta nesu nekuti tose tava kubata mari,” vanodaro.

Sangano reSIAZ rakavambwa mugore ra2016 uye rinobatsira zvekare madzimai nevasikana nezvekushandisa mukurwisa chirwere cheCovid-19 pamwe nevari kutambudzwa nehutachiona hweHIV.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>