Uncategorized

Vofamba vari musvo

26 Nov, 2020 - 12:11 0 Views
Vofamba vari musvo Mambo Nyamweda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vekwaNyamweda, kuMhondoro, vanonzi svondo rapera vakaona bhaisikopo remahara apo vamwe vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vakakurura hembe dzavainge vakapfeka, ndokufamba vari musvo zuva rakacheka nyika pataundishipi yekwaDzumbunu nechinangwa chekukwezva varume.

Mashura aya anonzi akaitika apo vanhukadzi vana avo vanoroja mudzimba dziri panzvimbo yemabhizimisi iyi vakatanga kufamba mutaundishipi vachikurura zvipfeko zvemukati vanhu vakatarisa uye vachirezva varume.

Mumwe musikana anoshanda mubhawa raSucceed Dzumbunu uyo akangozivikanwa saRasta anoti akazvionera mashura aya.

“Vasikana ava vauya muno mubhawa muine varume vakawanda vange vachinwa doro nekuona bhora apo vasvikotanga kutamba vachikumura zvipfeko zvavo zvemukati vachiti kuvarume, ‘anoda ngaauye’. Vagumisira vave kufamba vakabata zvipfeko izvi mumaoko ndokusara vakashama, varume vanga vachinwa doro ava vazotema shamhu ndokutanga kuvadzinga vachida kuvarova kusvikira vatiza,” anodaro Rasta.

VaBokello Chomusora (50) vanobva mubhuku raChibamu munzvimbo iyi mumwe wevakaona manenji aya.

“Tazvionera pamhuno sefodya vasikana ava vachibvisa mabhurugwa avo vachiti kuvarume huyai. Chokwadi pasi pamera ziso, munoti imi mvura inganaye here zvinhu zvichidai?” vanodaro VaChomusora.

Vanoenderera mberi vachiti, “Dambudziko ravapo vasikana ava vanonziwo vave kugarira munzira vanakomana vechikoro vari kuda kuzonyora bvunzo pachikoro cheChitemere-Muchakata Secondary vachivabvisira mabhurugwa saka tave kutyira vana vedu kuti vanogona kukanganiswa.”

VaRenious Gomba (60) vanobva mubhuku raManhanzva vanoshora kurasa hunhu kuri kuitwa nevanhukadzi ava.

“Muno tinogara nevaroora vedu nevanasikana nevamwe vanyarikani. Hatidi kuona zvinhu zvakadai zvichiitwa. Tinokumbira mambo wedu VaNyamweda kuti vakurumidze kupedza maitiro akadai,” vanodaro VaGomba.

Vamwe vana vechikoro vakataurwa navo vanoti vave kutotya kudarika nepataundishipi apa nekuda kwemaitiro evanhukadzi ava.

Kwayedza yakaedza kutsvaga vanhukadzi ava panzvimbo iyi ikavashaya sezvo vainzi vaiva vatakurwa nemumwe muzvinabhizimisi nemota uyo anonzi ndiye anobva navo kuHopely, kuHarare nekuEpworth.

Mambo Nyamweda VaCloudious Mandaza vanoti vari kutora matanho akanangana kupedza dambudziko rekurasa hunhu kunonzi kwave kuitwa nevamwe vanhukadzi vanotengesa miviri yavo.

“Handina dunhu rinoitwa matakanana akadai ini. Chipini chaicho, mashura mudunhu zvinokonzera mvura kusanaya. Ndichatuma vakomana vangu kunobvisa vasikana ivava munzvimbo yangu vadzokere kwavakabva.

“Tinogona kushevedza vemabhizimisi vari kuuya nevasikana ava kudare tovaripisa pamwe chete nevasikana vacho,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Vanokurudzira mapurisa kuti vavabatsire nekusunga vanhu vanoshaya hunhu kusvika pakadai ava.

“Mapurisa edu anofanirwa kutibatsira kusunga vanhu vakadai nekuti zvichaguma dunhu redu risisina hunhu zvotipinzira zvirwere zvepabonde munzvimbo yedu. Wese aona hunhu hwakadai ngaakurumidze kutizivisa kana kumhan’ara kumapurisa,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Asst Comm Nyathi

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira vanhu vari kuita tsika iyi kuti vanosungwa voendeswa kumatare edzimhosva kana kuripiswa nemutemo.

“Tinokurudzira kuti vanhu vamhan’are nyaya idzi kumapurisa ari padyo, vanhu ava vasungwe nekuti vari kutyora mutemo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

 

Share This:

Sponsored Links