Uncategorized

Vogezeswa Nen’anga Vari musvo…Baba, madzimai avo, vanasikana nevanakomana

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Vogezeswa Nen’anga  Vari musvo…Baba, madzimai avo, vanasikana nevanakomana Milliana achiratidza zvigunwe zvaanoti zvine maronda ekurumwa nekahovo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
IMBOFUNGA izvi. Mhuri yose — baba, amai, vanasikana nevanakomana vabva zera — mose monzi nen’anga munofanirwa kushandirwa nemishonga kuti zvinhu zvenyu zviendeke, asi mose munenge musina kupfeka kana chii zvacho. Apa muri pamwe chete.

Mushure mezvo, iwe wochitanga kusangana nematambudziko asingapere.

Tsaona yemumugwagwa inokusiya usisagone kufamba, wangove pawiricheya.

Sezvinonzi izvi zvishoma, unoyamwiwa nekurumwa nezvipuka zvinosanganisira kahovo — zvimwe zvacho zvichikuita mukadzi.

Izvi ndizvo zviri kuitika kumudzimai anogara muEye Court, muHarare — asi kumusha achibva kuGokwe.

Anoti iye nevemhuri yake vakashandirwa neimwe n’anga vasina kana kupfeka — asi vari pamwe chete, mushure iye ndokutanga kusangana nematambudziko aya.

Milliana Mushambahuma (28) anoti matambudziko ake akatanga mushure mekunge iye nevemhuri yake vanosanganisira baba naamai vake nehanzvadzi dzake vakagezeswa nemishonga neimwe n’anga vari musvo – vose.

Pamusoro pezvo, Mushambahuma anoti anoitwa mukadzi nevarume vaasingazive uye ava kurarama nehurema mushure mekuita tsaona nemotokari apo vakanga vachangobva mukugezeswa nen’anga iyi vasina kupfeka.

Anotiwo pamusha pavo husiku hwoga-hwoga panopfuta moto unoita kunge chipoko uyo unenge uchirira sefoni.

“Ndaona nhamo nekuyamwiwa mazamu angu nezvinhu zvandisinganzwisise. Ndinozongofuma ndichiona kuti ndarara ndichishandiswa.

“Pakuyamwiwa, ndinotonzwa munhu kana chinhu chichindiyamwa, kutonzwa kubatwa zamu asi pasina chandinoona. Ndinobva ndatanga kujuja mukaka wakawanda,” anodaro.

Mukadzi uyu — uyo anoti ari kutsvaga rubatsiro rwekuti zviri kuitika kwaari zvipere — anoenderera mberi: “Kana ndiri mumba, ndinongorumwa nekahovo pamadiro ako kanenge kakamira nemakumbo maviri semunhu. Kana kapedza kundiruma, ndinotokaona kava kubuda panze.

“Mumba umu zvakare, munopinda nyoka hombe dzinongodarika nemo idzo dzimwe dzandinodzinga netsvimbo dzandava kugara nadzo.”

Mushambahuma anoti akasiyana nemurume wake uye mwana wake ave nemakore matanhatu uyo ari kuita Grade 1.

“Baba vangu vaiva nemadzimai matatu, amai vangu vari vakuru sezvo vamwe amai vaiva vakuru vakanga vashaika pamadzimai mana.

“Tiri kumusha kudaro, taigara pamusha mumwe chete uye baba vakaunza n’anga apo munhu wose — kusanganisira ivo avo baba vanovawo n’anga — madzimai avo matatu nesu vana tiri gumi, vakomana 6 nevasikana 4 tose takanzi tikurure mbatya idzo takasiya kumba, kusanganisira dzemukati. Takanzi tifambe tiri musvo kudaro — baba vari pamberi vachiteverwa nemadzimai avo matatu kozoti isu vana kumashure apo takafamba mufambo ungangoita mamita 200 kupinda musango,” anodaro.

Mushambahuma anoti vakanosvika kusango uko vakanogezeswa nen’anga iyi nemushonga waiva mumugomo wakasanganiswa neropa risingazivikanwe kuti nderei —mumwe nemumwe wavo achiitwa izvi vamwe vemhuri vakatarisa.

“Takaita mudungwe tichinzi tisacheuke kana kupukuta mvura iyo tainge taiswa pamuviri pedu uye takazodzokera kumba nemumwe mugwagwa wakasiyana neuyo watakanga tashandisa kuenda kusango.”

Anoenderera mberi: “Izvi zvakaitika mugore ra2017, tikasvikopinda mumba tose takadaro tisina kupfeka uye pasina kunyarana ndokuzopfeka mbatya dzedu kusanganisira zvipfeko zvemukati tichitanga nevakuru zvichidzika kusvika kune wekupedzisira — vamwe vachiona.

“Rechimangwana racho, ini ndakazoita tsaona kuChegutu apo ndakakuvara kusvika pakuremara kuno kwandakaita zvekufamba newiricheya.”

Mushambahuma anoti donzvo rekugezeswa nemushonga nen’anga vasina kupfeka vakaudzwa nevabereki vake kuti raive rekuvadzivirira kubva mukuuraiwa uko vanonzi vaida kuitwa neimwe hama yavo yepedyo (zita tinaro).

Mushambahuma anoti anosangana nemashura akasiyana muupenyu hwake sezvo paaimboshanda muchimwe chitoro kuKadoma akasangana nebere husiku apo aifamba achienda kumba.

“Pandaishanda muchitoro, ndave kudzokera kumba ndakambosangana nebere iro ndakatarisana naro rikamira nemakumbo maviri ndokuzoenda mushure mekunge rachema,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti mabhizimisi ake ose ekutengesa uko aiita akangobhuroka zvisina tsarukano mushure mekukumbirwa mari neimwe hama yake.

“Ndine zvakawanda zvandaitumwa zvemishonga yechivanhu uye rimwe zuva ndakanokanda chinhu chaiva nemvere pasi pehozi yaambuya amai vababa avo vakabva vafa ndichangobva kuita izvi. Pamusha pedu paigara pachipfungaidzwa mishonga nekubairirwa mapfumo pasi nemigwara semhiko dzemusha. Ndakabva kumusha pamusha pachinetsa nechipoko chaibvira moto chichikwira mudenga nekuzorovera pasi chichirira sefoni,” anodaro.

Pakashaika amai vake, Mushambahuma anoti akabva anogara kuHarare pasina kuwirirana nevehukama uye paine kuramwidzana apo akanga arambana nemurume wake.

“Nekuda kwehurema, ndakambochengetwa nemapurisa ndokuzowanawo vamwe vanhu vakada kuti ndichengete kumba kwavo kuEye Court uko ndiri kugara ndoga. Mwana wangu akatorwa nevamwe sekuru vari kumuchengeta.”

Anoti akambotengeswa machira emidzimu nevamwe vemhuri yake ayo aizopiswa akasanganiswa nemishonga izvo zvaanoti haazive kuti zvinorevei.

Mudzimai uyu anoti haana hama iri kukwanisa kumubatsira uye anogara oga apo asingagone kuchera mvura kana kuzvibikira nekuda kwehurema.

“Hongu ndakapihwa pekugara kuno kuHarare, asi ndinogara ndoga. Ndinoda kudzokera kuGokwe pedyo nekumusha uko ndinokwanisa kuonekwa nedzimwe hama dzangu.”

 

Share This:

Sponsored Links