Voita ‘chibhanzi’ nekurima muguta reHarare

21 Nov, 2023 - 17:11 0 Views
Voita ‘chibhanzi’ nekurima muguta reHarare VaDavid Mugorosa vachiratidza chibage chavakarima muChirimo icho chava kutoibva. - Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUGARI wekuCranborne, muHarare, anoti ari kuwana pundutso nekurima mwaka yose yegore achishandisa mvura yekudiridzira kubva muzvidhamu zvidiki.

VaDavid Mugorosa (29), avo vanobatsirana nevamwe mubasa rekurima iri, vanoti minda yavo miviri ine chibage chava kutovhurura muminda yakatevedza mugwagwa Joshua Mqabuko Nkomo.

“Hatina nguva yekuzorora kubva muChirimo zvose nemuZhizha tinenge tichingorima zvirimwa zvakasiyana tichidiridzira nemvura yatinodhonza kubva muzvimadhamu zvidiki. Injini yedu inoshandisa simba remagetsi anobva muzuva,” vanodaro VaMugorosa.

Munda wechibage chaVaMugorosa

Chibage chavo vanoti vakachidyara munaChikunguru uye vanotarisira kuchikohwa kumavambo kwaZvita.

“Minda yedu yakakura mahekita maviri uye yose iri mubani musinganetsi kuwana mvura tikachera matsime kana madhamu madiki nekudaro tinorima nguva yose yegore chingava chibage, madomasi, derere nezvimwe.”

VaMugorosa vanoti vanoshandisa mishonga yekuuraya tumbuyu nekuisawo manyowa nefetiraiza kuitira kuti zvirimwa zvavo zviite zvakanaka.

“Izvozvi tine chibage chava kuda kuibva, icho tinochitengesa chiri chinyoro, kudivi kunenge kwapera chibage todyara dzimwe mbesa tichingodaro. Minda yedu haidi kuwandirwa nemvura nekuti iri mubani munony’udza saka kurima muChirimo kunotipa goho rakanaka kazhinji,” vanodaro VaMugorosa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>