Voita mabhindauko ekurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze

29 Dec, 2023 - 14:12 0 Views
Voita mabhindauko ekurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze Mapfunde

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVICHITEVERA kusanduka kwemamiriro ekunze, uko kuri kuuya nenzira dzakadai sekuwanda kana kushomeka kwemvura yekunaya, vabereki vane vana vakaremara, avo vari muboka reZimbabwe Parents of Handicapped Children Association (ZPHCA), vari kuita mabhindauko ekurima mbesa dzetsanga diki uye kusimbaradza nyaya dzemadiridziro.

Mabhindauko aya ari kuitwa pasi pechirongwa cheGrassroots Women Resilience Building National Convention.

Achitaura pachirongwa icho vakaitira muHarare nguva pfupi yadarika, Theresa Makwara anova murongi kusangano iri anoti vabereki vane vana vakaremara, zvikuru madzimai, vari panyatwa huru yekushungurudzwa nekusanduka kwemamiriro ekunze sezvo vagara vachitambura.

“Tiripo pakupangana mazano anoita kuti tisashaye chekudya, kunyangwe zvinhu zvikaoma sei. Tiri kuona izvozvi mvura iri kunonoka kuturuka nokudaro hatichaziva remangwana redu maringe nenyaya dzekurima nokudaro tava kufanira kushandisa ruzivo rwechizvino-zvino kuti tidzidze kuti dzimwe nyika dzakabudirira dziri kuzvifambisa sei. Tinokurudzira madzimai nanababa kuti vashandise nzira dzemadiridziro uye kukohwa mvura nekuti kana pasina mvura hapana kurima.

“Takanzwa kuti mombe dziri kufa dzakawanda nekuda kwekushaya mvura, zvikuru kuMasvingo nekuMatabeleland South, saka inguva yekuti tirongere kusanduka uku,” anodaro.

Sabhuku Fortunate Musungo

Sabhuku Fortunate Musungo vekwaMambo Seke, kwaSeke, vanoti madzimai ane vana vakaremara vane basa guru muupenyu nokudaro vanofanira kutsigirwa.

“Ndinotenda zvikuru mudzimai wangu nekuti tine mwana akaremara uyo atova nemakore 25 ekuzvarwa waanochengeta, anochengeta zvekare sekuru naambuya vakura kureva kuti haana zororo muupenyu hwake asi akazvipira. Kuti tikunde nzara mumba nemudunhu redu, tiri kukurudzira vanhu kuti varime mbeu dzetsanga diki idzo dzinotivirira muzuva, kuchera makomba ePfumvudza nekuti anochengetedza mwando kwenguva refu uye kuisa mashanga mumunda kuti muve nemupfudze.

Tine chirongwa cheZunde Ramambo icho chatiri kutsigirwa nembeu pasi pePresidential Inputs Scheme, goho racho rinobatsira mhuri dzinonetseka,” vanodaro.

Sabhuku Lizzy Gonye veku Domboshava

Sabhuku Lizzy Gonye vekwaMambo Chinamhora, kuDomboshava, vanotiwo kurima nenzira yemasutso uye mabhindauko akasiyana anobatsira mukurwisa nzara.

“Mazuva ano hazvichaita kuti umiririre chinhu chimwe chete, zvava kuda kuti worima mbesa dzakasiyana, kunyanya dzetsanga diki, wochengeta zvipfuyo zvakadai sehuku, mombe nembudzi uye hazvinei nekuti uri munhukadzi, dzidza kuita zvose. Ivawo nekabhizimusi kanokupa mari, kana ukadaro unenge watodzinga nzara mumba mako,” vanodaro.

Moblessing Biyasi

Moreblessing Buyasi wekuMbare, muHarare, uyo ane mwanakomana wake akaremara, anoti anorima nzungu nemiriwo yakasiyana iyo anotengesa mushure mekugadzira mufushwa.

Buyasi anokuyawo dovi achitengesa zvinoita kuti asave munhu akangomirira kupemha.

Esina Zumbu wekuGlen View, muHarare, mudzimai ane mwana akaremara zvekare, uye anotiwo:

“Ndinorwadziwa zvikuru nemamwe madzimai anoenda mumigwagwa kunopemha nevana vakaremara saka ndinozvibvunza kuti kana dai vasina vana vakaremara vaitadza kurarama here nekuti mwana iyeye ndiye anenge ava kushandiswa mukuriritira mhuri yose. Ini ndinorima chibage, nzungu, mbambaira, mhunga, mapfunde nemagogoya ndichitengesa. Kuminda kwedu tine nzvimbo dzinojenga mvura saka takachera migero iyo tinoshandisa pamadiridziro mushure mekuona kuti mamiriro ekunze ari kuramba achisanduka.”

Boka iri rine madzimai anodarika 460 avo vari kurarama nemabhindauko akadai sekuchengeta huku, kuchengeta hove, kurima miriwo nezvimwe zvinoita kuti vawane kudya uye vanoita mikando inoita kuti vagare vakabata mari.

Mumwaka wa2023-2024 wekurima, zvakaonekwa kuti Zimbabwe ine mikana mikuru yekuwirwa nenzara yekushomeka kwemvura yemudenga zvichikonzerwa neElnino.

Share This:

Sponsored Links