Uncategorized

Voita makakatanwa mudare

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Voita makakatanwa mudare court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaive mudare vakatyoka mbabvu nekuseka apo murume nemukadzi vaikakavadzana pamusoro pekubasa kunoshanda samusha ava pamwe nemari yavanotambira pamwedzi.

Patience Marweni akamhan’arira Albert Temani kuHarare Civil Court achida $180 yekuchengeta mwana wavo ane mwedzi mitatu yekuberekwa.

“Ndauya pano ndichida kuti baba ava vandipe $180 pamwedzi yekuchengeta mwana. Baba ava vakatiza kumba uye handitozive kuti vari kugarepi izvozvi. Ini handishande uye handikwanise kuchengeta mwana uyu ndega.

“Baba ava vanoshanda kuGlory Car Higher uko vanogadzirudza maruva nemapindu vachiwana $350 pamwedzi,” anodaro.

Temani anopikisana nemukadzi wake achiti haashande kuGlory Car High asi kuNative Investment uko anongoita basa rese-rese.

“Amai ava vanonyepa, ini ndinoshanda kuNative Investments ndichingoitawo basa rese-rese kwete zvavari kutaura. Ndinohora $80 pamwedzi saka mari yandinokwanisa kumupa i$50 yekuchengeta mwana,” anodaro Temani apo vanhu vaive mudare vanobva vati bvu kuseka.

Achibvunzwa nedare umboo hwemari yaanohora pamwedzi, Temani anoti havapihwe magwaro anoratidza mari yaanotambira.

“Hatipihwe magwaro iwayo ishe wangu, asi ndinoreva chokwadi uye ndine mumwe mwana wandinaye zvekuti mari yangu haisi kutokwana.

‘‘Amai ava ndinotogara navo asi ivo vati ndakatiza kumba, zvese izvi kunyepa,” anodaro.

Marweni anobva amugamha achiti: “Ishe wangu, musatevedzere baba ava vanonyepa, ini handigare navo, vakatiza kumba. Ko kutaura chokwadi zvinei? Zvese zvekwavanoti vanoshanda nemari yavanohora ndezvekunyepa,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akati vaviri ava vadzoke kudare apo Marweni anofanira kuuya neumboo hwemari inotambirwa naTemani uye nekwaanoshanda.

Share This:

Sponsored Links