Uncategorized

Vokecha chipoko vachiti itsvarakadenga

18 Apr, 2022 - 09:04 0 Views
Vokecha chipoko vachiti itsvarakadenga VaCephas Nyagande

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAMWE vevarume vanogara kudzimba dzinozivikanwa nekuti kumaCABS kuBudiriro 5B Extension, muguta reHarare, vanonzi vowororwa nechipoko chemukadzi chinotenderera husiku munzvimbo iyi icho chavanoguma vave kutsvaga rudo kwachiri votowirirana.

Nyaya yechipoko chemukadzi iyi inotevera kuwanda kwakaita makuva mukati medzimba idzi sezvo nzvimbo iyi yaimbova sango uye vanhu vaishanda papurazi apa vaiviga vafi vavo panzvimbo dzose-dzose.

Chipoko chemudzimai, icho chinonzi nevarume vakasangana nacho imhenya kana kuti tsvarakadenga pakururama, chinotenderera panzvimbo yematakishopu yeJRG panova pane makuva akawanda.

VaRakel Chinamaringa (48) vanova mugari wemunzvimbo iyi uye vane bhizimisi retakishopu paJRG vanoti chipoko ichi chanetsa uye chinoonekwa chichibuda panzvimbo ine makuva iri pakati pedzimba nematakishopu avo.

“Muno maiva mupurazi remurungu nekudaro vanhu vaigara mukomboni yemupurazi iri vaifa vaivigwa mumasango aiva muno. Saka makuva akawanda, kusanganisira nemamwe ari pamberi pedzimba.

“Chipoko chemusikana uyu anonzi mutsvuku munaku anogara akachena uye chinotenderera munzvimbo ino nguva dzehusiku. Varume vazhinji vane meso-meso vaona nhamo nekuchikecha asi vozongochishaya pasina zvavaita nacho,” vanodaro VaChinamaringa.

Vanoti pane makuva apa, senzvimbo yakatarisana nemabhzimisi avo, vanopota vachicheka huswa nekutema-tema miti kuti pachene.

“Tine mumwe murume anonamata pasowe rakatarisana nenzvimbo ine makuva iyi anoti vanoona goritoto kana kuti dzimudzangara richibvira moto panzvimbo imwe chete iyi. Pachivanhu, tinotanga takumbira kuvashakabvu kuti tava kumbochenesa nzvimbo yamurere, hatina mhosva nemi,” vanodaro.

VaChinamaringa vanoti chipoko chemukadzi ichi chiri kubva mumakuva aya izvo zvavanofungira kuti mudzimai ari kumuka uyu ane guva riri pakati pemashanu ari panzvimbo iyi.

“Tine makuva mashanu ari panzvimbo yeJRG, pane mamwe akanga ava kudhirika tichiona mapfupa mukati tikazoafushira. Tine rimwe riri pamberi pemba yevamwe vanhu rakazogadzirwa kuita semuhomba wemaruva kuti zvisaonekwe kuti iguva, chokwadi chiripo chipoko ichi chanetsa,” vanodaro VaChinamaringa.

Vanoti kune vamwe ambuya vanoita zvechivanhu vaimbogara munzvimbo iyi vakasiya vataura kuti kana vanhu vakazoona zvavasinganzwisise vasavhunduke.

“Nekuda kwenyaya yechipoko nemagoritoto ari kuonekwa panzvimbo iyi, tava kukurumidza kuvhara matakishopu edu nekutya. Ini ndakatombochiona chipoko ichi asi handina kutaura nacho.

“Vamwe varume vanodanana nechipoko ichi vochitakura nemotokari vachiwirirana asi vozongoerekana mumota mukadzi uyu asisimo,” vanodaro.

VaHappiness Madiye (38) vanogara padzimba dzine makuva vanoti vava kugara vachitya nekuda kwechipoko ichi.

“Nyaya inonetsa panzvimbo yeJRG ndipo panoburukira vanhu mabhazi husiku, vamwe vari kuguma vaita chidzimira votadza kuziva kudzimba kwavo mushure mekusangana nechipoko ichi. Tine vamwe vedu vanorara mumatakishopu vanozopinda basa rekuperekedza vanhu ava kudzimba dzavo,” vanodaro VaMadiye.

Vanoti vanhurume vanobva kumabhawa husiku ndivo vanonyanya kupfimba chipoko ichi vowirirana nacho kuti vanosasana asi vozoguma vangochishaya vachida kuenda nacho kwachinoti kumba kwacho munzvimbo imwe chete iyi.

“Varume vanonzi vaona nhamo kupfimba chipoko ichi, chinonzi hachitaure zita racho. Musikana uyu anonzi anonyangarika mushure mekufamba nevarume ava kwechinhambwe vozongomushaya,” vanodaro VaMadiye.

VaJoseph Ngirandi (35) vanoti nzvimbo yanetsa nekuonekwa chipoko iyi inoda kunamatirwa kuti dambudziko iri ripere.

“Nzvimbo ino inoda kunamatirwa kuti dambudziko iri ripere nekuti chipoko ichi chichakonzera tsaona kune vamwe vedzimotokari,” vanodaro VaNgirandi.

VaCephas Nyagande (52) muzvinabhizimisi panzvimbo yeJRG vanotiwo vamwe vedzimotokari vanozouya kwavari vachitiza vachiti munhu wavatakura ari kusanduka kana kuti vangomushaya mudzimotokari dzavo.

“Ndinoona zvakawanda pano, vamwe vedzimotokari vanouya vachitaura kuti havachaziva kwekuenda mushure mekunge vambotakura chipoko chemukadzi ichi. Kuno kuBudiriro 5B Extension anongova makuva oga-oga, pano pamatakishopu edu eJRG tine makuva munobuda chipoko chemukadzi ichi,” vanodaro VaNyagande.

Mumwe mudzimai akaramba nezita rake wemunzvimbo iyi anoti chipoko ichi dai charamba chakadaro nekuti chinoworora varume vasingade kuona marokwe.

Makore ekuma1960 kusvika kuma1970, kuHighfield kwakamboita chipoko chakanetsa zvikuru chemukadzi chainzi Peggy icho chaikechwa nevarume husiku choenda navo kumakuva uko vaifuma vakarara pamusoro pemakuva asi vachiona sevainge vaendwa navo kumba.

Sekuru Chirume Chirume vekuMabvuku muguta reHarare vanoti mudzimai ane chipoko chiri kunetsa kuBudiriro anogona kunge akafa nenzira isina kunaka.

“Nzvimbo iyi inoda kuitwa chivanhu nekuti zvinoratidza kuti munhu uyu akafa zvine chekuita nevanhurume. Ane shungu dzine chekuita nevarume, dzimwe nguva akafa achiita zvekupondwa nemurume,” vanodaro sekuru Chirume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>