Uncategorized

Vomuka vakazorwa derere ‘. . . vakadzi tichisanduka kuva varume’

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Vomuka vakazorwa derere ‘. . . vakadzi tichisanduka kuva varume’ Precious Nhau

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VANASIKANA vashanu vemhuri imwe chete yekwaMangwende, kwaMurehwa, vari kudemba vachiti vanomuka mangwanani vakazorwa derere miviri yavo vose mushure mekunge varara vachikinditswa nezvinhu zvavasingaone. Sezvinonzi manenji avari kuoneswa pakufuma vakaposhongedzwa miviri yavo nederere rechipudzi rakabikwa mashoma, vakadzi ava, avo vose vakaroorwa, vanoti pose pavanoda kusangana nevarume mumachira — “panopakwa bhazi” — ivo madzimai vosanduka voitawo vanhurume.

Izvi vanoti zvavatadzisa kugarisana zvakanaka nevarume vavo, avo vava kupata misha.

Manenji aya ari kuitika kuvanasikana vekwaNhau, avo vagere kwaNyamutumbu.

Vakadzi ava vanoti nguva nenguva vanomuka mangwanani vachiona miviri yavo yakazorwa derere rakabikwa zvose nemagumbeze avanenge varara vakafuga.

Panoitika izvi, varume vavo vanenge vasina chavakazorwa.

Precious Nhau (38) — uyo anotaura akamirira vanin’ina vake vana — anoti vose vari kusangana nematambudziko akafanana pavanenge vari kuvarume vavo.

“Tose tiri vashanu tinosangana nematambudziko akafanana —tinomuka takazorwa derere rakabikwa miviri yedu yose. Ukuwo varume vava kutitiza nekuti panguva yekusangana mumachira tinosanduka toitawo vanhurume,” anodaro Precious.

“Kana kuroorwa kwedu tose kwakanetsa. Takawanikwa tatova tsikombi nekuti hakuna varume vaitirezva.”

Precious anoti vose vari vashanu, vanosanduka nhengo voita varume apo vanoda kusangana nevarume vavo.

“Tinorohwa nezvinhu zvatisingaone, tozofuma miviri yedu yakazorwa derere.”

Precious anoti vose vapera kutizwa nevarume avo vanoti havakwanise kugara nevakadzi vanosanduka vachimboita varume.

Precious ari kugara kwaBesa, kwaSeke, uko anoti akatizwa nemurume wake nekuda kwemashiripiti anoitika paari aya.

Anoti mumwe munin’ina wake akamboda kuzviuraya nekuda kwedambudziko iri mushure mekunge akatizwa nemurume.

“Baba vedu vakafa, tangosarirwa naamai bedzi. Tose zvedu tiri vashanu kuwanikwa kwedu kwainetsa. Takakura pasina aimiswa nevakomana kunzi ndinokuda.

“Takazoroorwa takura zvekusvika kumakore 28 okuberekwa zvichienda mberi. Dambudziko rakazotanga mudzimba apo varume vanoti vakada kusangana nesu, vanoona tisina sikarudzi dzechikadzi — tava varume miviri yedu yose nezviso,” anodaro.

Precious anoti svondo rakapera mumwe munin’ina wake akapotsa azviuraya nekuda kwenyaya iyi.

“Babamudiki vakauya vachitiza vachiti vari kuona munin’ina wangu asanduka kuita murume apo vanoda kusangana naye, hanzi ari kusandukawo muviri wake zvose nechiso,” anodaro.

Precious anoenderera mberi: “Babamudiki ava vanotiwo vakambopotsa vabaiwa nebanga nemunin’ina wangu apo aiva asanduka kuita murume uyo akazobengenuka ndokubvunza murume wake zvaiitika.

“Musha wedu hausisina vakuwasha mufunge, varume vanotiza nekuti hakuna murume anoda kugara nemukadzi akadaro.”

Baba vemhuri iyi vanonzi vaiva nebarika remadzimai maviri uye vaiita zvehun’anga.

“Kwatinofamba tinonzi tinosandurwa zviso zvedu nemiviri yedu kuitwa yevarume senzira yekuti tisagare nevarume mudzimba. Ndokusaka varume vave kutitiza. Izvozvi tose tiri vashanu, varume vedu tose vakatitiza zvekuti hatizive kwavari. Vamwe vanombodzoka asi havagare vasati vaenda zvakare. Tiri vana vadiki saka tinodawo kugara nevarume mudzimba,” anodaro Precious.

“Zvekusanduka nhengo izvi zvakatouya tava kuvarume. Asi kubva tichikura, tinorohwa zviya zvekutumhiswa nezvinhu zvatisingaone zvekusara wazvimba muviri wese nekumeso.

“Kana zviri zvederere, munhu unomuka wakazorwa muviri wako wose, zvose nemagumbeze, mumba muchikuhwidzwa moto nevanhu vatisingaone — uchitoririma,” anodaro Precious.

Anoenderera mberi achiti, “Masaramusi emumba medu akabvira kure, mumwe munin’ina wangu tichikura aingotanga kumhanya akatarisa mudenga achiti ndege iyo achisvikopunzikira pasi obva atongooma akadaro. Mumwe akangotanga kuchema achiti apindwa nechinhu mudumbu tichidya sadza.”

Precious anoti mumwezve munin’ina wake akangotanga kurasika pfungwa musi waaida kubvisirwa pfuma zvikazoita kuti vakuwasha vadzokere nemari yeroora yavainge vaunza.

“Zvedu hazvipere, tatambura. Tasarirwa naamai voga asi dambudziko riripo hatizivi kuti chii. Tine mumwe wedu aingozvimbawo mazamu ari mwana mudiki.

“Tinonzi pane munhu ane nyoka inotishandisa tose kutiita vakadzi. Kumba kwedu kwaMurehwa pane nyoka hombe yatakauraya pamugomo wemvura iyo yakazokonzera mitauro mumusha vamwe vanhu vachiti tainge taiuraira chii,” anodaro.

Precious anoti mashura emumusha mavo haapere sezvo vakambotorerwa mbatya dzose dzaidarika makumi matatu nechamupupuri apo vaiwacha murwizi Nyangura, kwaMurehwa ikoko. Mbatya idzi anoti vakazodziwana rechimangwana racho dzakayanikwa panzvimbo imwe chete yadzaiva dzatorerwa.

“Mbatya idzi takadzisiya parwizi apa tave kutya kudzitora kusvikira dzakazongopararira ipapo.”

Mwanakomana mumhuri iyi — uyo ane makore 28 okuberekwa — anonzi haana kumbobvira akaita musikana.

“Baba vedu vaisvikirwa uye vaitungamidza muzukuru wedu mwana wehanzvadzi yedu huru yekune imwe imba uyo akazongofa achichema kuti ainge apfuudzwa nevemhuri,” anodaro.

Evelyn (33) — uyo anove munin’ina waPrecious – anotsinira nyaya iyi achiti vanoda kubatsirwa.

“Tinoda kubatsirwa, taneta nenyaya idzi. Kana pane anokwanisa kudzosera zvidzoserwe kumuridzi wazvo,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMai Florence Makore (64) vanove amai vemhuri iyi.

Asi Sekuru Bonface Katerere vekwaMashambanhaka, kuUzumba, vanoti vanasikana ava vakashandisirwa mushonga unonzi tsandukwa.

“Aya mashiripiti emushonga unonzi tsandukwa. Ehe, murume anosanduka kuita mukadzi uyewo mukadzi achichinja kuita murume. Vana ava vakaiswa mhiko yekuti vasaite varume,” vanodaro.

Vanoti ngozi haidaro asi kuti uku kuromba.

Mbuya Alice Masoko Kwenda (61) vekuLochnvar, muguta reHarare, vanotiwo mishonga inokonzera dambudziko serakatarisana nemhuri iyi iriko.

Share This:

Sponsored Links