Uncategorized

Vonetserana datya

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Vonetserana datya

Kwayedza

Garnet Zvimba
VAVAKIDZANI vakaendesana kudare nenyaya yedafi rakange raonekwa riri pamba, izvo zvakaita kuti vapumhane huroyi mumwe achiti datya iri riri kushandiswa mumabasa ane chekuita nemishonga yakaipa.

Beauty Mangachena akamhan’arira Aaron Nyamukunda kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushungurudza pamwe nekumupumha huroyi zuva nezuva achiti anoda gwaro redziviriro. “Murume uyu muvakidzani wangu. Anondituka achinditi ndiri muroyi. Mazuva akapera ndakanga ndafamba kuenda kuJoni, ndipo akasara akaona dafi pamba pake akandipumha kuti dafi iroro nderangu. Handina zororo naye zvekutoti aitogara achindivhundutsira kuti anoda kundidimbura gumbo ndikangomhan’ara chete nyaya iyoyi kumatare. Ipapo hapana chaangaramba nekuti ndakatomutora nefoni yangu achitaura mazwi iwayo,” akadaro Mangachena. Achipawo divi rake, Nyamukunda akati anzwa nekukwidzwa kumatare naMangachena nenyaya dzemanyepo. “Handina kumbobvira ndataura mazwi akadaro changamire wangu. Mukadzi uyu anongoda kundishungurudza nekuti ndakanga ndiri kuRotten Row Court musi uno nenyaya imwe cheteyo zvekutoti akanditi achatoita huwori nevakuru vakuru kuti ndipihwe mhosva chete,” akadaro Nyamukunda.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Nyamukunda achengetedze runyararo pakati pake naMangachena nguva dzose.

Share This:

Sponsored Links