Kwayedza
Kingstone Mapupu
NYAYA yemurume anonzi akafa nekuzvisungirira mugore ra2017 kumapurazi ekuChemagora, kwaMambo Njelele, kuGokwe, mutumbi wake ndokuzoonekwa nehama dzake ais usina sikarudzi yakwira makata sezvo mweya wake uchinzi uri kukonzera matambudziko makukutu kuvaridzi vepurazi raakafira.
Decent Mpofu anonzi akazvisungirira mupurazi rekwaMupamhanga Number 21 mugore ra2017 apo aiva nemakore 28 okuberekwa.
Mutumbi wake unonzi wakaonekwa nevanhu vaivhima wakarembera mumuti, ndokuzotorwa nemapurisa ukaendeswa kumochari yechipatara cheGokwe asi hama dzake dzisipo.
Hama dzake dzinonzi dzakazotora mutumbi uyu mumochari ndokuona kuti chitunha ichi chaisava nenhengo dzakavandika idzo dzinonzi dzakabviswa nechinhu chakapinza.
VaDumela Mpofu (48) vanobva mubhuku raMazithulela, mudunhu raMamb...